Mateo 1:21-24
Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.” Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza nomuprofita wake zvokuti: “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ” Josefa paakapepuka, akaita sezvaakanga arayirwa nomutumwa waIshe, uye akatora Maria somukadzi wake
Mateo 1:21-24