Ruka 7:46-50
Iwe hauna kuzodza musoro wangu namafuta, asi iye adira zvinonhuhwira patsoka dzangu. Naizvozvo, ndinokuudza kuti zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti iye ada zvikuru. Asi uya akaregererwa zvishoma, anodawo zvishoma.” Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvivi zvako zvaregererwa.” Vamwe vakanga vakokwa vakatanga kutaura pakati pavo vachiti, “Ndianiko uyu anoti kunyange nezvivi anokanganwira?” Jesu akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuponesa; chienda norugare.”
Ruka 7:46-50