Ruka 2:10-14
Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose. Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.” Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti: “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro, uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.”
Ruka 2:10-14