Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joere 2:1-17

Joere 2:1-17 - Ridzai hwamanda muZioni;
ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene.
Vanhu vose vagere munyika ngavadedere
nokuti zuva raJehovha riri kuuya.
Rava pedyo,
zuva rerima nokusuwa,
zuva ramakore nokusviba.
Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo,
hondo huru ine simba guru iri kuuya;
zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare,
uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera.
Moto unoparadza pamberi padzo,
marimi omoto ari kupisa shure kwadzo.
Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni,
shure kwadzo kwangova gwenga risina basa,
hapana chinopunyuka.
Pakuonekwa kwadzo dzakaita samabhiza;
dzinomhanya samabhiza ehondo.
Nokutinhira sokwengoro
dzinokwakuka pamusoro pamakomo
dzichidya mashanga semoto unopisa uswa hwakaoma,
sehondo ine simba yabuda kundorwa.

Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya;
vose vanocheneruka kumeso.
Dzinorwisa samauto;
dzinokwira madziro savarwi.
Dzinofamba dzakateverana
dzisingatsauki padzakananga napo.
Hadzikwikwidzani pakufamba,
imwe neimwe inofamba yakananga mberi.
Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei,
pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo.
Dzinobhururuka dzakananga muguta;
dzinomhanya pamusoro porusvingo.
Dzinokwira dzichipinda mudzimba;
dzinopinda napamawindo sembavha.

Pamberi padzo, pasi panozunguzika,
denga rinodedera,
zuva nomwedzi zvinosviba
uye nyeredzi dzinodzima.
Jehovha anoomba,
ari pamberi pehondo yake;
mauto ake haaverengeki,
uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake.
Zuva raJehovha iguru;
rinotyisa kwazvo.
Ndiani angamira musi waro?

Jehovha anoti, “Kunyange zvino,
tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose
muchitsanya, muchichema uye muchiungudza.”

Bvarurai mwoyo yenyu,
kwete nguo dzenyu.
Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu,
iye ane nyasha uye ane tsitsi,
anononoka kutsamwa
uye ane rudo rukuru;
anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.
Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi,
uye agokusiyirai mukomborero
wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa
zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu.

Ridzai hwamanda muZioni.
Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene,
danai vanhu kuungano tsvene.
Unganidzai vanhu,
munatse ungano iyi,
unganidzai pamwe chete vakuru,
unganidzai vana,
vachiri kuyamwa.
Vachangowanana, murume ngaabude muimba yake
nomwenga muimba yake.
Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha
ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari.
Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha.
Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa,
chirevo pakati pendudzi.
Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti,
‘Mwari wavo aripiko?’ ”

Ridzai hwamanda muZioni; ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene. Vanhu vose vagere munyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha riri kuuya. Rava pedyo, zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nokusviba. Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo, hondo huru ine simba guru iri kuuya; zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare, uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera. Moto unoparadza pamberi padzo, marimi omoto ari kupisa shure kwadzo. Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni, shure kwadzo kwangova gwenga risina basa, hapana chinopunyuka. Pakuonekwa kwadzo dzakaita samabhiza; dzinomhanya samabhiza ehondo. Nokutinhira sokwengoro dzinokwakuka pamusoro pamakomo dzichidya mashanga semoto unopisa uswa hwakaoma, sehondo ine simba yabuda kundorwa. Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya; vose vanocheneruka kumeso. Dzinorwisa samauto; dzinokwira madziro savarwi. Dzinofamba dzakateverana dzisingatsauki padzakananga napo. Hadzikwikwidzani pakufamba, imwe neimwe inofamba yakananga mberi. Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei, pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo. Dzinobhururuka dzakananga muguta; dzinomhanya pamusoro porusvingo. Dzinokwira dzichipinda mudzimba; dzinopinda napamawindo sembavha. Pamberi padzo, pasi panozunguzika, denga rinodedera, zuva nomwedzi zvinosviba uye nyeredzi dzinodzima. Jehovha anoomba, ari pamberi pehondo yake; mauto ake haaverengeki, uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake. Zuva raJehovha iguru; rinotyisa kwazvo. Ndiani angamira musi waro? Jehovha anoti, “Kunyange zvino, tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose muchitsanya, muchichema uye muchiungudza.” Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi. Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi, uye agokusiyirai mukomborero wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu. Ridzai hwamanda muZioni. Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene, danai vanhu kuungano tsvene. Unganidzai vanhu, munatse ungano iyi, unganidzai pamwe chete vakuru, unganidzai vana, vachiri kuyamwa. Vachangowanana, murume ngaabude muimba yake nomwenga muimba yake. Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari. Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha. Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa, chirevo pakati pendudzi. Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’ ”

Joere 2:1-17

Joere 2:1-17