Johani 15:4-10
Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri. “Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa. Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa. Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu. “Sezvo Baba vakandida, neniwo ndakakudai, zvino, chigarai murudo rwangu. Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo.
Johani 15:4-10