Johani 10:11-17
“Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira. Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai. “Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva, Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu. Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete. Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve.
Johani 10:11-17