Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 1:5-25

Johani 1:5-25 - Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.
Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye. Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza. Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika.
Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva. Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira. Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari.
Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’ ” Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha. Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu. Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe.

Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani. Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.”
Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?”
Iye akati, “Handizi iye.”
“Uri muprofita here?”
Akapindura akati, “Kwete.”
Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?”
Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ”
Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria kana Muprofita?”

Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda. Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye. Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza. Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika. Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva. Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira. Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari. Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi. Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’ ” Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha. Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu. Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe. Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani. Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.” Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?” Iye akati, “Handizi iye.” “Uri muprofita here?” Akapindura akati, “Kwete.” Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?” Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ” Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria kana Muprofita?”

Johani 1:5-25

Johani 1:5-25