Jakobho 1:13-15
Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu; asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa. Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu.
Jakobho 1:13-15