VaHebheru 6:9-12
Kunyange zvazvo tichitaura sezvizvi, hama dzinodikanwa, tinoziva kwazvo kuti kwamuri kuchabva zvinhu zviri nani, zvinhu zvinoshanda pamwe chete noruponeso. Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira. Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu. Hatidi kuti muve simbe, asi kuti muve vateveri vaavo vanodya nhaka yakavimbiswa kubudikidza nokutenda nokutsungirira.
VaHebheru 6:9-12