VaHebheru 11:1-4
Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni. Nokuti izvi ndizvo zvakaita kuti vanhu vekare vapupurirwe zvakanaka. Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi. Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chiri nani pane chaKaini. Nokutenda akapupurirwa kuti akanga ari munhu akarurama, Mwari paakataura zvakanaka pamusoro pezvipo zvake. Uye nokutenda achiri kutaura nazvino kunyange zvake akafa.
VaHebheru 11:1-4