Genesisi 1:1-12
Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura. Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo. Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye rima akaritumidza kuti “usiku.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga. Uye Mwari akati, “Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura.” Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti “denga.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri. Uye Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, “nyika,” uye mvura yakaungana akaiti “makungwa.” Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo. Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
Genesisi 1:1-12