VaEfeso 4:25-29
Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe. “Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchakangotsamwa, uye musapa dhiabhori mukana. Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa. Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa.
VaEfeso 4:25-29