Muparidzi 3:1-8
Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga: nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokusima nenguva yokudzura; nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka; nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana; nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete, nguva yokumbundikira nenguva yokurega; nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike, nguva yokuchengeta nenguva yokurasa; nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura; nguva yokuda nenguva yokuvenga, nguva yehondo nenguva yorugare.
Muparidzi 3:1-8