1 VaKorinde 2:9-16
Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna ziso rakaona, hakuna nzeve yakanzwa; hakuna zvakapinda mumurangariro womunhu, zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.” Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake. Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari. Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari. Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena. Izvi ndizvo zvatinotaura, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi namashoko atinodzidziswa naMweya, tichidudzira zvokwadi zvomweya namashoko omweya. Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya. Munhu ari muMweya anonzwisisa zvinhu zvose, asi iye pachake haanganzwisiswi nomunhu: “Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShe kuti amudzidzise?” Asi isu tino murangariro waKristu.
1 VaKorinde 2:9-16