1 VaKorinde 15:55-58
“Kuripiko kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?” Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro. Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.
1 VaKorinde 15:55-58