1 VaKorinde 13:3-12
Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi kana ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu. Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi. Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi. Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi. Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose. Rudo harutongoperi. Zvino kana kuri kuprofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichagumiswa; kana rwuri ruzivo, ruchapfuura. Nokuti tinoziva zvisakakwana uye tinoprofita zvisakakwana, asi kana zvakakwana zvasvika, zvisakakwana zvichabviswa. Pandaiva mwana ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana. Zvino zvandava murume, ndakabvisa zvinhu zvoumwana. Nokuti zvino tinoona asi hationi zvakanaka somuchionioni; asi nenguva iyo tichaonana chiso nechiso. Iye zvino ndinoziva zvisakakwana; asi ndichaziva zvizere, kunyange sezvandinozivikanwa zvizere.
1 VaKorinde 13:3-12