1 VaKorinde 1:4-9
Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyasha dzake pamusoro penyu muna Kristu Jesu. Nokuti maari makapfumiswa pazvinhu zvose, mukutaura kwenyu kwose uye nomuruzivo rwenyu rwose, nokuti uchapupu hwedu pamusoro paKristu hwakasimbiswa mamuri. Naizvozvo hapana kana chipo chomweya chamunoshayiwa pamunomirira nomwoyo wose kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu. Achakusimbisai kusvikira kumagumo, kuti murege kuva nechamungapomerwa pazuva raIshe wedu Jesu Kristu. Mwari, iye akakudanai kuti muwadzane noMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu, akatendeka.
1 VaKorinde 1:4-9