1 Makoronike 16:23-31
Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa; anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akasika matenga. Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake; simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake. Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba, ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake. Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake. Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunuswi. Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pendudzi, “Jehovha anotonga!”
1 Makoronike 16:23-31