Kuisa Chiedza KunyiaChikamu
Chiedza Chako Ngachipenye
Kuti chiedza chako chipenye hachingavi chinhu chinganzi chine muitiro wakashata. Mumwe nemumwe haafaniri kunzwa kunyara nekuratidza mugariro wake wakanaka munharaunda (VaRoma 1:16). Muraramiro iwoyo unofadza Mwari unopa tariro kune avo vanoda kupukunyukakubva mukati menyika izere nedima.
Chinangwa chikuru chekuti tivhenekere nyika hachisi chekuti tive nemanyawi kuvanhu kan kuda kugutsa zvinofadza isu. Asi, kurarama nenzira yekuti vanhu vakaona vanosvika pakukudza Mwari vari kumusoro kudenga. Jesu vanoda kuti tirarame sekudaro kuti Mwari vaonekwe navanhu vose. Rarama zvakanaka kuti vanhu vafunge zvakanaka pamusoro paMwari. Rarama kuti vanhu vaone upenyu hwako, vanzwe shoko rako, vaone mabasa ako kuti varege kuva nechekutaura pamusoro pako.
Mukuongorora zvine udzamu, hachisi chiedza chedu chiri kupenya, asi icho chakaisirwa naKristu kune vanotenda (Johani 1:8). Nekumwe kutaura isu handisu tinozvigadzirira chiedza, asi Mwari vanotibatsira kuti zvidaro. Saizvozvo kubudikidza nemabasa akanaka atinoita, achaita kuti ivo Mwari vanopa chiedza vakudzwe.
Imwe yenzira dzatingashandisa kuti chiedza chedu chicheneke kunzwira vamwe vanhu tsitsi. Jesu vakaratidza izvozvo, kuva netsitsi kuvanhu vose, zvisinei nekusiyana kwenzvimbo dzavanobva, chimiro chawo munharaunda, kunyange kuti anga munhurume here kana munhukadzi. Tinofanira kuratidza kuzvininipisa ndicho chaicho chinhu chinopesana nekuzvikudza.
Munamato: Tinokukudzai Mwari wedu nekuda kwemweya wenyu uri matiri. Tibatsirei kuti tikwanise kurara nekusimudzira mweya wenyu matiri, kuti tive nemifungo nechidokwa dokwa chekuti tikufadzei nguva dzose. Mabasa edu neupenyu hwedu ngazvive mharidzo kunyika kuti vakudze zita renyu rinokosha. Tinonamata musimba guru raJesu. AMENI.
Kuwerenganso: 1 Petro 2:12| VaFiripi 2:1-11| Jakobo 5:16| Ruka 15:21.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Ruzhinji rwevanhu rwakagara mukusaziva nemuuipi, izvo zvinoratidza kuti pave nekuora kweraramo. Kunyange zvakadaro, nenyasha dzaMwari, Kristu vakatuma vadzidzi wake, kubudikidza neupenyu hwawo pamwechete nedzidziso kuti vagogadzirisa nyika, kuipa ruzivo pamwe nenyasha. Zvichakaaro, kana munhu atakura kutenda muna Kristo, achiramba achirarama upenyu usingaratidzi nyasha idzodzo, hakunazve imwe nzira ingaratidza kubatsira kwake. Tinofanira kuva nechinangwa chekusvika pakubwinya kunodiwa naMwari.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL