Zekaria 1:7-21
Zekaria 1:7-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wegumi nomumwe, mwedzi weShebhati, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia mwanakomana waIdho. Panguva dzousiku ndakaona chiratidzo, hapo pamberi pangu paiva nomurume akanga akatasva bhiza dzvuku! Akanga akamira pakati pemiti yaiva mumupata. Shure kwake kwaiva namabhiza matsvuku, mashava uye namachena. Ipapo ndakati, “Izvi zviiko, ishe wangu?” Mutumwa akanga achitaura neni akapindura akati, “Ndichakuratidza kuti zvii.” Ipapo murume akanga amire pakati pemiti yemitire akatsanangura achiti, “Ava ndivo vakatumwa naJehovha kuti vaende munyika yose.” Uye vakapindura mutumwa waJehovha akanga akamira pakati pemiti yemitire vachiti, “Taenda munyika yose tikaona nyika yose yakazorora uye ino runyararo.” Ipapo mutumwa waJehovha akati, “Jehovha Wamasimba Ose muchasvika rinhiko musinganzwiri Jerusarema namaguta eJudha tsitsi amakatsamwira kwamakore makumi manomwe aya?” Saka Jehovha akataura mashoko akanaka anonyaradza kumutumwa akataura neni. Ipapo mutumwa aitaura neni akati, “Danidzira shoko iri rokuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndine godo kwazvo pamusoro peJerusarema neZioni, asi ndakatsamwira zvikuru ndudzi dzinoti dzakagarika. Ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakawedzera padambudziko iri.’ “Naizvozvo, zvanzi naJehovha: ‘Ndichadzokera kuJerusarema ndine tsitsi, uye ipapo imba yangu ichavakwazve. Uye rwodzi rwokuyera ruchatambanudzwa pamusoro peJerusarema,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Danidzirazve uti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Maguta angu achafashukirazve noupfumi, uye Jehovha achanyaradzazve Zioni uye agosarudza Jerusarema.’ ” Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nenyanga ina! Ndakabvunza mutumwa aitaura neni ndikati, “Zviiko izvi?” Akandipindura achiti, “Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, Israeri neJerusarema.” Ipapo Jehovha akandiratidza mhizha ina. Ndakabvunza ndikati, “Ko, ava vari kuuya kuzoitei?” Akapindura akati, “Idzi ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha kuti pashayikwe kana mumwe angasimudza musoro wake, asi mhizha dzauya kuzodzityisa uye kuti dzigokanda pasi nyanga idzi dzendudzi dzakasimudza nyanga dzadzo kuti dzirwise nyika yeJudha kuti dziparadzire vanhu vayo.”
Zekaria 1:7-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nezuva ramakumi namana romwedzi wegumi nomumwe, uri mwedzi weShabhati, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti, “Ndakatarira usiku, ndikaona murume akatasva bhiza dzvuku, akamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumupata; shure kwake kwakanga kunamabhiza matsvuku namashora namachena.” Ipapo ndikati, “Nhai, ishe wangu, zvinyiko izvi?” Mutumwa akanga achitaurirana neni akati kwandiri, “Ndichakuratidza kuti izvi zvinyi.” Murume akanga amire pakati pemiti yemimirite akapindura, akati, “Ava ndivo vakatumwa naJehovha kupota-pota nenyika yose.” Ivo vakapindura mutumwa waJehovha akanga amire pakati pemiti yemimirite, vakati, “Takapota-pota nenyika yose, wane nyika yose inyerere ichizorora.” Ipapo mutumwa waJehovha wakapindura, akati, “Aiwa, Jehovha wehondo, mucharamba musinganzwiri nyasha Jerusaremu namaguta aJudha amakatsamwira makore ano ana makumi manomwe kusvikira riniko?” Ipapo Jehovha akapindura mutumwa akanga achitaurirana neni, mashoko akanaka anonyaradza. Ipapo mutumwa, akanga achitaurirana neni, akati kwandiri, “Danidzira, uti, ‘Zvanzi naJehovha wehondo, ndine godo pamusoro peJerusaremu, godo guru. Ndakatsamwira kwazvo ndudzi dzavanhu dzakazorora, nokuti ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakanyanyisa nhamo.’ Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Ndakadzokera Jerusaremu ndine nyasha zhinji; imba yangu ichavakwamo’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo uye rwonzi rwokuyera ruchatambanudzirwa pamusoro peJerusaremu. Danidzirazve, uti, “Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Maguta angu achapa pfuma mufarozve, Jehovha achanyaradzazve Zioni, achazvisanangurirazve Jerusaremu.’ ” Zvino ndakarinzira meso angu ndikatarira, ndikaona nyanga ina. Ipapo ndikati kumutumwa, wakanga achitaurirana neni, “Zvinyiko izvi?” Akandipindura, akati, “Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha naIsiraeri neJerusaremu.” Jehovha akandiratidza vapfuri vana. Ipapo ndikati, “Ava vauya kuzobateiko?” Iye akataura, akati, “Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusino munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira.”
Zekaria 1:7-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamusi wegumi nechina wemwedzi wegumi nechiposhi, uri mwedzi waShebhati, mugore rechipiri rokutonga kwaDhariusi, shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho muporofita; “Usiku ndakaona hoyo munhu akatasva bhiza dzvuku. Izvozvo aiva amire mukati memadenhe emumiti yorukato mumupata kuseri kwake kuina mabhizawo matsvuku neakatsvukuruka namachena. Ini ndokuti, ‘Zviiko izvozvi nhaimi changamire wangu?’ Mutumwa aitaura neni iyeyo akati, ‘Ndichakuratidza kuti zvii izvozvi.’ Murume akanga amire pakati pamakwenzi emimitiri uya akapindura achiti, ‘Ivava ndidzo nhumwa dzakatumwa naTENZI dzichafamba nenyika yose.’ “Ivo vakapindura mutumwa waTENZI uya aiva amire mukati mamakwenzi emimitiri vachiti, ‘Tafamba nenyika yose tikaona kuti igere murunyararo.’ “Mutumwa waTENZI akati, ‘Nhai TENZI wehondo nehondo, kusvikira rinhi chaizvo musingaitirewo tsiye nyoro Jerusaremu namaguta okwaJudha amakadai kushatirirwa kwamakumi manomwe amakore?’ “TENZI akapindura mutumwa waitaura neni namazwi akanaka anonyaradza mwoyo. Nokudaro mutumwa aitaura neni akanditi, ‘Danidzira uchiti zvanzi naTENZI wehondo nehondo, Jerusaremu neZioni zvandipa kuti ndiite shanje inobaya mwoyo kwazvo. Uye ndashatirirwa kwazvo marudzi avanhu vagere zvavo mumutambaratede nokuti pandakamboti hangu shatirwei zvishoma ivo ndipo pavakatodarikidza kuparadza. Ndokusaka zvava kunzi naTENZI ndadzokera kuJerusaremu ndiine tsiye nyoro. Imba yangu ichavakwa mukati maro, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, uye tambo yokuyeresa ichanzi tande tande pamusoro peJerusaremu.’ “Danidzirazve uchiti TENZI wehondo nehondo anoti, ‘Maguta angu achafashukira noupfumi, achanyaradzazve Zioni achisarudza Jerusaremu zvakare.’ ” Ndakasimudza musoro ndikaona hedzo nyanga ina! Ini ndokuti kumutumwa wandaikurukura naye, “Ko zviiko izvi?” Iye akabva anditi, “Ndidzo nyanga dzakamwararisa vokwaJudha nevokwaIsiraeri neJerusaremu.” TENZI akandiratidzawo vapfuuri vesimbi vana. Ini ndikati, “Ko ivava vari kuuya kuzoitei?” Iye ndokuti, “Ndidzo nyanga dzakamwararisa vokwaJudha zvokushaya kana nomumwechete akasimudza musoro. Zvino ivava vauya kuzovatyityidzira vachiwondomorera pasi masimba amarudzi akasimudza nyanga dzawo achitunga nyika yokwaJudha kuti iparare.”
Zekaria 1:7-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nezuʋa ramakumi namanna romŋedzi wegumi nomumŋe, uri mŋedzi weShebati, negore recipiri raDariusi, shoko raJehova rakaȿika kunaZekaria mŋanakomana waBerekia, mŋanakomana womuprofita Ido, riciti: Ndakatarira ʋusiku, ndikaʋona murume wakataȿa biza dɀuku, akamira pakati pemiti yemimirte yaiʋa mumupata; shure kwake kwakaŋga kunamabiza matȿuku namashora namacena. Ipapo ndikati: Nhai, ishe waŋgu, ɀinyiko iɀi? Mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni akati kwandiri: Ndicakuratidza kuti iɀi ɀinyi. Murume wakaŋga amire pakati pemiti yemimirte akapindura, akati: Aʋa ndiʋo ʋakatumŋa naJehova kupota‐pota nenyika yose. Iʋo ʋakapindura mutumŋa waJehova wakaŋga amire pakati pemiti yemimirte, ʋakati: Takapota‐pota nenyika yose, wane nyika yose inyerere icizorora. Ipapo mutumŋa waJehova wakapindura, akati: Haiwa, Jehova wehondo, mucaramba musiŋganzwiri nyasha Jerusarema namaguta aJuda amakatsamŋira makore ano anamakumi manomŋe kuȿikira riniko? Ipapo Jehova wakapindura mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, mashoko akanaka anonyaradza. Ipapo mutumŋa, wakaŋga acitaurirana neni, akati kwandiri: Ƌanidzira, uti: Ɀanzi naJehova wehondo: Ndinegoɗo pamsoro peJerusarema, goɗo guru. Ndakatsamŋira kwaɀo ndudzi dzaʋanhu dzakazorora, nokuti ndakaŋga ndakatsamŋa ɀishoma, asi iʋo ʋakanyanyisa nhamo. Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Ndadzokera Jerusarema ndinenyasha zhinji; imba yaŋgu icaʋakwa’mo — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ʋuye rwonzi rwokuyera rucatambanudzirwa pamsoro peJerusarema. Ƌanidzira ɀe, uti: Ɀanzi naJehova wehondo: Maguta aŋgu acapafuma mufaro ɀe, Jehova ucanyaradza ɀe Zioni, ucaɀisanaŋgurira ɀe Jerusarema. Ɀino ndakarinzira meso aŋgu ndikatarira, ndikaʋona nyaŋga inna. Ipapo ndikati kumutumŋa, wakaŋga acitaurirana neni: Ɀinyiko iɀi? Akandipindura, akati: Ndidzo nyaŋga dzakaparadzira Juda naIsraeri neJerusarema. Jehova akandiratidza ʋapfuri ʋanna. Ipapo ndikati: Aʋa ʋaʋuya kuzoɓateiko? Iye akataura, akati: Ndidzo nyaŋga dzakaparadzira Juda, kuȿikira kusinomunhu wakasimudza musoro wake; asi aʋa ʋaʋuya kuzoʋatyisa, kuwisira pasi nyaŋga dzendudzi dzaʋanhu dzakasimudzira nyika yaJuda runyaŋga rwaʋo ʋaciɗa kuʋaparadzira.
Zekaria 1:7-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)