Tito 3:5-7
Tito 3:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene, uyo waakadurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu, kuitira kuti mushure mokunge taruramisirwa nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tine tariro youpenyu husingaperi.
Tito 3:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene, waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu, kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro youpenyu husingaperi.
Tito 3:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
akatinunura kwete nezvatakaita isu muururami asi pamusana pengoni dzake nokushambidzwa kokuzvarwa patsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene waakawodzworera matiri nokuna Jesu Kristu Mununuri wedu kuti tiruramiswe nenyasha dzake tichiva vagari venhaka nechitarisiro choupenyu husingaperi.
Tito 3:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
wakatiponesa, asiŋgaɀiiti nokuɗa kwamaɓasa akarurama, atakaŋga taita isu, asi nokuɗa kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuɓerekwa kutȿa, nokuʋandudzwa noMŋeya Mutȿene, waakaɗurura aciwanza pamsoro peɗu, naJesu Kristu Muponesi weɗu, kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe ʋadyi ʋenhaka nokuɗa kwetariro yoʋupenyu bgusiŋgaperi.
Tito 3:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
akatinunura kwete nezvatakaita isu muururami asi pamusana pengoni dzake nokushambidzwa kokuzvarwa patsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene waakawodzworera matiri nokuna Jesu Kristu Mununuri wedu kuti tiruramiswe nenyasha dzake tichiva vagari venhaka nechitarisiro choupenyu husingaperi.