Tito 3:5-15
Tito 3:5-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene, uyo waakadurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu, kuitira kuti mushure mokunge taruramisirwa nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tine tariro youpenyu husingaperi. Iri ishoko rezvokwadi. Uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, kuitira kuti vaya vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira munhu wose. Asi unzvenge mibvunzo youpenzi nenhoroondo dzamazita amadzitateguru, negakava nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti izvi hazvina maturo uye hazvibatsiri. Yambira munhu anotsausa kokutanga uye ugomuyambirazve kechipiri. Mushure mezvo usava nechokuita naye. Uve nechokwadi chokuti munhu akadaro akatsauka uye mutadzi; akazvirasa iye amene. Pandichatuma Atema kana Tikikasi kwauri, edza napaunogona napo pose kuti uuye kwandiri paNikopori, nokuti ndichagarako panguva yechando. Ita zvose zvaungagona kuti ubatsire Zenasi mududziri womurayiro naAporosi parwendo rwavo uye uite kuti varege kushayiwa chinhu. Vanhu vedu vanofanira kudzidza kuzvipira kuita zvakanaka, kuitira kuti vagone kutibatsira pazvinhu zvinodiwa mazuva ose uye kuti vasararama upenyu husina zvibereko. Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ukwazise vose vanotida mukutenda.
Tito 3:5-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene, waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu, kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro youpenyu husingaperi. Ishoko rechokwadi, uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu; asi unzvenge mibvunzo youpenzi, namazita amadziteteguru, negakava, nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti hazvina maturo, hazvine basa. Munhu anodzidzisa zvakatsauka, kana arayirwa kamwe norwechipiri, umurambe, zvaunoziva kuti akadaro akatsauka, anotadza, azvipa mhosva amene. Kana ndichituma Aritema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri Nikopori; nokuti ndakati ndichagara chando ikoko. Zenasi, mududziri womurayiro, naAporo, uvaise zvakanaka parwendo, varege kushayiwa chinhu. Vanhu vedu ngavadzidzewo kuramba vachiita mabasa akanaka, kuti vabatsire panoshayikwa zvinofanira kuvapo, kuti varege kuva vanhu vasina zvibereko. Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ndikwazisire avo vanotida pakutenda. Nyasha ngadzive nemi mose.
Tito 3:5-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
akatinunura kwete nezvatakaita isu muururami asi pamusana pengoni dzake nokushambidzwa kokuzvarwa patsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene waakawodzworera matiri nokuna Jesu Kristu Mununuri wedu kuti tiruramiswe nenyasha dzake tichiva vagari venhaka nechitarisiro choupenyu husingaperi. Izvi ndezvechokwadi. Ndinoda kuti iwe usimbisise zvinhu izvi, kuti avo vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira kumabasa akanaka. Izvi zvakanakisa kwazvo uye zvinobatsira vanhu. Asi iwe nzvenga nharo dzoupenzi dzezvemirongorongo yamazita amadzinza nokusawirirana nokuitirana nharo nezvomutemo nokuti hazvina chimuko kana maturo. Munhu anoparadzanisa vanhu ukamutsiura kamwechete kana kaviri, chirega kuva nechii zvacho chokuita naye. Zvinobva zvakuzivisa kuti munhu akadaro ahedhuka uye mutadzi akatozvipa mhosva. Kana ndatumira Aritemasi kana kuti Tikikusi kwauri, edza nokwaunogona nako kose kuuya kwandiri kuNikoporisi; nokuti ndafunga zvokundopedza mwaka wechando ikoko. Edza nokwaunogona kubatsira gweta, Zenasi naAporosi parwendo rwavo kuti varege kuva nechavanoshaya. Vanhu veduwo ngavadzidze kuzvipira mumabasa akanaka kuti vabatsire pazvinhu zvinenge zvichifanira kuti zviitwe, kwete kungogara maoko. Vose vandinavo vanokukwazisa. Ndikwazisirewo vaya vanotida muchitendero. Chikomborero chenyasha ngachive nemi mose.
Tito 3:5-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
wakatiponesa, asiŋgaɀiiti nokuɗa kwamaɓasa akarurama, atakaŋga taita isu, asi nokuɗa kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuɓerekwa kutȿa, nokuʋandudzwa noMŋeya Mutȿene, waakaɗurura aciwanza pamsoro peɗu, naJesu Kristu Muponesi weɗu, kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe ʋadyi ʋenhaka nokuɗa kwetariro yoʋupenyu bgusiŋgaperi. Ishoko raɀokwaɗi, ʋuye ndinoɗa kuti usimbise kwaɀo ɀinhu iɀi, ɀokuti aʋo ʋakatenda Mŋari ʋacenjere kuti ʋarambe ʋaciita maɓasa akanaka. Ndiɀo ɀakanaka, ɀinoɓatsira ʋanhu; asi unɀeŋge mibvunzo yoʋupenzi, namazita amadziteteguru, negakaʋa, nokukakaʋara pamsoro pomurairo, nokuti haɀinamaturo, haɀineɓasa. Munhu unodzidzisa ɀakatsauka, kana arairwa kamŋe norwecipiri, umurambe, ɀaunoziʋa kuti wakaɗaro wakatsauka, unotadza, waɀipa mhoȿa amene. Kana ndicituma Artema kwauri, kana Tikiko, ushiŋgaire kuʋuya kwandiri Nikopori; nokuti ndakati ndicagara cando ikoko. Zenasi, muɗudziri womurairo, naAporo, uʋaise ɀakanaka parwendo, ʋarege kushaiwa cinhu. Ʋanhu ʋeɗu ŋgaʋadzidze ʋo kuramba ʋaciita maɓasa akanaka, kuti ʋaɓatsire panoshaikwa ɀinofanira kuʋa’po, kuti ʋarege kuʋa ʋanhu ʋasineɀiɓereko Ʋose ʋari kwandiri ʋanokukwazisa. Ndikwazisire aʋo ʋanotiɗa pakutenda. Nyasha ŋgadziʋe nemi mose.
Tito 3:5-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)