Tito 3:1-7
Tito 3:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyeuchidze vanhu kuti vazviise pasi pavatongi navane simba, kuti vave vanoteerera, kuti vave vanhu vakagadzirira kuita zvose zvakanaka, kuti varege kuchera vamwe, vagare murunyararo, vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose. Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, takatapwa nokuchiva kwose uye nezvinofadza. Taigara muruvengo negodo, tichivengwa nokuvengana. Asi pakaratidzwa ngoni norudo rwaMwari Muponesi wedu, akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene, uyo waakadurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu, kuitira kuti mushure mokunge taruramisirwa nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tine tariro youpenyu husingaperi.
Tito 3:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uvayeuchidze kuti vazviise pasi pavabati navane simba, kuti vateerere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka, varege kurevera mumwe zvakaipa, vaitire vanhu vose unyoro hwose. Nokuti nesuwo kare taiva vokusafunga, tisingateereri, takarashika, tiri varanda, vokuchiva kuzhinji navezvose zvinofadza, tigere mukati mokushata negodo, tichivengwa, tichivengana. Asi unyoro hwaMwari, Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvaonekwa, akatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene, waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu, kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro youpenyu husingaperi.
Tito 3:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Yeuchidza vanhu ivavo kuti vazviise pasi pavatongi navabati venyika kuti vave vanhu vanoteerera uye kuti vave vakagadzirira kuita basa ripi neripi zvaro rakanaka; vasingatauri zvakaipa zvaani nani zvake, vanzvenge kupopotana navanhu; vave vanhu vakanyorova uye varatidze rukudzo rwakaperera kuna vanhu vose. Nokuti iyesuwo pachedu, takambenge takazungaira, tiri vanhu vasingateereri vakatetereka tiri varanda vehavi vanamafaro akasiyana–siyana tichipedzera mazuva edu muuipi neshanje tichivengwa navanhu uye isu tichivengana. Asi pakazoratidzwa mutsa norudo rwaMwari Mununuri wedu akatinunura kwete nezvatakaita isu muururami asi pamusana pengoni dzake nokushambidzwa kokuzvarwa patsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene waakawodzworera matiri nokuna Jesu Kristu Mununuri wedu kuti tiruramiswe nenyasha dzake tichiva vagari venhaka nechitarisiro choupenyu husingaperi.
Tito 3:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Uʋayeʋudzire kuti ʋaɀiise pasi paʋaɓati naʋanesimba, kuti ʋaterere, kuti ʋaʋe ʋanhu ʋakaɀigadzira kuɓata maɓasa ose akanaka, ʋarege kureʋera mumŋe ɀakaipa, ʋarege kuʋa negakaʋa, ʋaʋe ʋanyoro, ʋaitire ʋanhu ʋose ʋunyoro bgose. Nokuti nesu ʋo kare taiʋa ʋokusafuŋga, tisiŋgatereri, takarashika, tiri ʋaranda ʋokuciʋa kuzhinji naʋeɀose ɀinofadza, tigere mukati mokushata negoɗo, ticiʋeŋgwa, ticiʋeŋgana. Asi ʋunyoro bgaMŋari, Muponesi weɗu, noruɗo rwake kuʋanhu, ɀakati ɀaʋonekwa, wakatiponesa, asiŋgaɀiiti nokuɗa kwamaɓasa akarurama, atakaŋga taita isu, asi nokuɗa kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuɓerekwa kutȿa, nokuʋandudzwa noMŋeya Mutȿene, waakaɗurura aciwanza pamsoro peɗu, naJesu Kristu Muponesi weɗu, kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe ʋadyi ʋenhaka nokuɗa kwetariro yoʋupenyu bgusiŋgaperi.
Tito 3:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)