Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4:12-16
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Uri tsime rakakomberedzwa, nechitubu chakavakirirwa. Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi, naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuhwira nemura negavakava, uye nezvose zvinonhuhwira zvakanakisisa. Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni. Muka, iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuhwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4:12-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa. Matavi ako munda wamatamba, une zvibereko zvakaisvonaka; Maruva ehena nenarido, Narido nesafironi, Karamusi nekinamoni, nemiti yose inonhuwira, Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuwira. Uri tsime reminda, Chitubu chemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni. Muka, iwe mhepo yokumusoro; uya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda wangu, kuti zvinonhuwira zvawo zvibudire kunze. Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make, Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hanzvadzi yangu, iye mwenga wangu uyu ibindu rakakiiwa, kasipiti zvako kakanamirwa mabukira ako munda chaiwo wamapomegiraniti une michero yakanakisisa yeHena ine Nadhi. Ine Nadhi neSafuroni neKaramusi nechinamoni nemiti yose yorusenzi nemura negavakava uyewo tunonhuwirira twukuru-twukuru. Mune Kasipiti kebindu, tsime remvura mhenyu netukova tunoyerera tuchibva kuRebhanoni. Iwe mhepo yokuchamhembe muka, uya iwe mhepo yokuMaodzanyemba; vhuvhuta pabindu rangu. Kunhuwira kwaro kupeperetsere kose kose. Mudiwa wangu ngaauye kubindu rake adye michero yaro yakanakisisa.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4:12-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hanɀadzi yaŋgu, mŋeŋga waŋgu, munda wakakomberedzwa, Cituɓu cakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa. Mataʋi ako munda wamatamba, uneɀiɓereko ɀakaiȿo‐naka; Maruʋa ehena nenardo, Nardo nesafroni, Karmusi nekinamuni, nemiti yose inonhuwira; Mura negaʋakaʋa, neɀose ɀinoiȿonhuwira. Uri tsime reminda, Cituɓu cemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzicibva Rebanoni. Muka, iwe mhepo yokumsoro; ʋuya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda waŋgu, kuti ɀinonhuwira ɀawo ɀiɓuɗire kunze. Muɗiwa waŋgu ŋgaapinde mumunda make, Ŋgaadye ɀiɓereko ɀake ɀakaiȿo‐naka.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)