Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:6-11
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje seshongwe youtsi ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuhwira zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuhwira zvavashambadzi? Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni, yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda, apamusoro-soro omuIsraeri. Mumwe nomumwe wavo akabata munondo vose vakarwa hondo, mumwe nomumwe ane munondo parutivi rwake, vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku. Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro; akaigadzira nemiti yokuRebhanoni. Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha, pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe. Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru, mukati mayo makashongedzwa norudo navanasikana veJerusarema. Budai imi vanasikana veZioni, muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona, korona yaakapfekedzwa namai vake musi wesvitsa, zuva iro mwoyo wake wakafara.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:6-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje Seshongwe dzohutsi, Anonhuwira nemura nezvinonhuwira, Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi? Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa; Mhare dzina makumi matanhatu dzakachikomberedza, Vanobva pamhare dzavaIsiraeri. Vose vanoziva kubata munondo, vakadzidza kurwa; Murume mumwe nomumwe anomunondo wake pahudyu yake, Nokuda kwezvinotyisa usiku. Mambo Soromoni akazviitira chigaro chinotakurwa Chamatanda eRebhanoni. Akaita mbiru dzacho nesirivha, Musana wacho nendarama, pokugara kwacho nomucheka mutsvuku, Mukati macho makarongwa norudo Rwavakunda veJerusaremu. Budai, imi vakunda veZioni, muone mambo Soromoni, Ane korona yaakadzikwa namai vake Pazuva rokuwana kwake, Napazuva romufaro womwoyo wake.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko chiiko icho chiri kubva nokurenje chakaita seshongwe youtsi chinonhuwirira serusenzi nemura netunonhuwira twose twavashambadzi? Inga chigaro chaSoromoni wani akakombwa namakumi matanhatu emagamba pamagamba okwaIsiraeri. Vose vakapakata mapakatwa avo dziri nyanzvi dzokurwa hondo. Vose vakanga vakagadzirira kwazvo, munhu nebakatwa rake parutivi kuti chauya chauya usiku. Mambo Soromoni akazvigadzirira chigaro nemiti yokuRebhanoni. Mapango acho okumisa aiva esirivha, katenga kacho kari kendarama, chigaro chacho chiri cheruvara rwehute mukati macho makanga makanyatsogadzirwa kwazvo navakadzi veJerusaremu. Budai vanasikana vemuZioni muone zvenyu Mambo Soromoni, mumusoro akaiti dzi ngundu youshe, ndaza yaakagadzwa nayo naamai vake pazuva romuchato wake, pazuva romwoyo wake, zuva rerufaro.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:6-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndianiko uyo unokwira acibva kurenje Seshoŋgwe dzoʋutsi, Unonhuwira nemura neɀinonhuwira, Neɀakakuyiwa ɀose ɀomuteŋgesi? Tarirai, ndico cigaro caSoromoni cinotakurwa; Mhare dzinamakumi matanhatu dzakacikomberedza, Ʋanobva pamhare dzaʋaIsraeri. Ʋose ʋanoziʋa kuɓata munondo, ʋakadzidza kurwa; Murume mumŋe nomumŋe unomunondo wake pahudyu yake, Nokuɗa kweɀinotyisa ʋusiku. Mambo Soromoni wakaɀiitira cigaro cinotakurwa Camatanda eRebanoni. Wakaita mbiru dzaco nesirveri, Musana waco nendarama, pokugara kwaco nomuceka mutȿuku, Mukati maco makaroŋgwa noruɗo Rwaʋakunda ʋeJerusarema. Ƃuɗai, imi ʋakunda ʋeZioni, muʋone mambo Soromoni, Anekorona yaakadzikwa namai ʋake Pazuʋa rokuwana kwake, Napazuʋa romufaro womŋoyo wake.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)