Rute 3:7-11
Rute 3:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Bhoazi akati apedza kudya nokunwa uye mwoyo wake wafara, akaenda akandorara kumuchetocheto kwomurwi wezviyo. Rute akaswedera kwaari chinyararire, akafukura tsoka dzake akarara pasi. Pakati pousiku chimwe chinhu chakavhundutsa murume, akashanduka akaona mukadzi akarara kumakumbo kwake. Akamubvunza akati, “Ndiwe aniko?” Iye akati, “Ndini murandakadzi wenyu Rute. Tambanudzai chikamu chenguo yenyu muchiise pamusoro pangu, sezvo muri hama yapedyo nomudzikinuri.” Akapindura akati kwaari, “Jehovha akuropafadze, mwanasikana wangu. Tsitsi idzi dzakakura kupinda zvawakaratidza pakutanga. Hauna kumhanyira majaya, hazvinei kuti varombo kana vapfumi. Naizvozvo zvino, mwanasikana wangu, usatya. Ndichakuitira zvose zvawakakumbira. Varume vose vagere neni muguta vanoziva kuti uri mukadzi akatsiga.
Rute 3:7-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Bhoazi wakati apedza kudya nokunwa, mwoyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi. Pakati pousiku murume akavhunduka, akapinduka, onei mukadzi avete patsoka dzake. Akati, “Ndiwe aniko?” Akapindura akati, “Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu nenguo yenyu, nokuti muri hama yomumba.” Ipapo iye akati, “Uropafadzwe naJehovha, mwanasikana wangu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuura pakutanga; nokuti hauna kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vapfumi. Zvino mwanasikana wangu, usatya hako; ndichakuitira zvose sezvaunotaura; nokuti vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.
Rute 3:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti Bhoazi apedza kudya nokunwa akati zvino ofara, akaenda zvake kundorara munyasi memurwi wembesanwa. Rute akauyapo chinyararire, akamufukura kumakumbo ake akavatapo. Pakati pousiku, Bhoazi akapatika, ndokubva atendeuka onei kune mukadzi arere kumakumbo kwake! Akati, “Ndiwe ani?” Iye akati, “Ndini Rute muranda wenyu. Regai zvenyu gumbeze renyu rindifukidzewo nokuti ndimi munofanira kundigara nhaka.” Iye akabva amuti, “Tenzi ngaakukomborere mwanangu, waratidza kutendeseka, nomwoyochena wawazoita rwendo runo unotopfuura wawakaita pakutanga nokuti hauna kuchiva kuroorwa neachiri mukomana, mupfumi kana murombo. Zvino mwanangu, usatye zvako ndichakuitira zvose zvawakumbira nokuti vamwe vangu vose vomuguta rino vanozviziva kuti iwe uri mudzimai ane chiremera.
Rute 3:7-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Boazi wakati apedza kudya nokunwa, mŋoyo wake ukafara, akandoʋata pamuceto womurwi weɀiyo; ipapo iye akanatso‐ȿika, akafukura tsoka dzake, ndokuʋata pasi. Pakati poʋusiku murume akavunduka, akashanduka, ʋonei mukadzi uʋete patsoka dzake. Akati: Ndiwe aniko? Akapindura, akati: Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu neŋguʋo yenyu, nokuti muri hama yomumba. Ipapo iye akati: Uropafadzwe naJehova, mŋanasikana waŋgu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuʋura pakutaŋga; nokuti hauna‐kuteʋera majaya, kunyaŋge aiʋa ʋarombo kana ʋafumi. Ɀino mŋanasikana waŋgu, usatya hako; ndicakuitira ɀose seɀaunotaura; nokuti ʋose ʋeguta raŋgu ʋanoziʋa kuti uri mukadzi wakanaka kwaɀo.
Rute 3:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)