Rute 2:11-18
Rute 2:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Bhoazi akapindura achiti, “Ndakaudzwa pamusoro pezvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, uye kuti wakasiya sei baba vako namai vako uye nenyika yokwako ukauya kuzogara navanhu vawakanga usingazivi. Jehovha ngaakuripire pane zvawakaita. Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaakupe mubayiro uzere, iye wawakauya ukavanda pasi pamapapiro ake.” Rute akati, “Regai ndirambe ndichiwana nyasha pamberi penyu, ishe wangu. Mandinyaradza uye mataura netsitsi kumurandakadzi wenyu kunyange ndisina kufanana navamwe varandakadzi venyu.” Panguva yokudya, Bhoazi akati kwaari, “Uya kuno. Tora chingwa udye uchiseva muvhiniga iyi.” Akati agara pasi navacheki, Bhoazi akamupa zviyo zvakakangwa. Akadya zvose zvaaida zvimwe zvikasara. Paakasimuka kuti anongere, Bhoazi akarayira majaya ake achiti, “Kunyange akaunganidza pakati pezvisote, musamudzivisa. Asi, mumuvhomorere dzimwe tsama, kubva pamasumbu enyu mumusiyire agononga, uye musamutsiura.” Naizvozvo Rute akanongera ari mumunda kusvikira manheru. Ipapo akapura bhari raakanga aunganidza, rikasvika pachiero cheefa. Akaritakura akaenda naro kuguta, vamwene vake vakaona kuti akanga aunganidza zvakadini. Rute akavigirawo vamwene vake zvaakanga asiya paakanga adya akaguta.
Rute 2:11-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Bhoazi akapindura akati kwaari, “Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare. Jehovha ngaakuripire sezvawakabata, upiwe mubayiro wakakwana naJehovha Mwari waIsiraeri, wawakauya kuzovanda pasi pamapapiro ake.” Iye akati, “Ndinzwirwe hangu nyasha nemi, ishe wangu, nokuti makandinyaradza, mukataura zvakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyange ndisina kufanana nomumwe wavarandakadzi venyu.” Nenguva yokudya Bhoazi akati kwaari, “Uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga.” Iye akagara navacheki, ivo vakamugamuchidza zviyo zvakakangwa, akadya, akaguta, akasiya zvimwe. Zvino wakati asimuka kuzounganidza zviyo, Bhoazi akaraira majaya ake, akati, “Ngaaunganidze hake kunyange napakati pezvisote, musamudzivisa. Mumuvhomorerewo dzimwe hura patsama, mudzisiye, aunganidze hake, musamutuka.” Naizvozvo akaunganidza pamunda kusvikira madekwana; akandopura zvaakaunganidza, zvikavavarira kusvika efa imwe yebhari. Akazvisimudza, ndokupinda muguta; vamwene vake vakaona zvaakanga aunganidza; akabudisawo zvakanga zvasara aguta hake, akavapawo.
Rute 2:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Bhoazi akamupindura achiti, “Zvose zvawakaitira vamwene vako kubvira panguva yakafa murume wako ndakanyatsozvirondedzerwa. Ndakaudzwawo nezvokusiya kwawakaita baba wako naamai vako, nokusiyawo kwawakaita nyika yokwako ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare. Tenzi ngaakupe mubayiro wezvawakaita, upiwe mubayiro wakakwana chaiwo naTenzi, Mwari wavaIsiraeri mumapapiro ake mawakauya kuzopotera.” Iye ndokuti, “Maita mwoyo wakanaka chaizvo kwandiri changamire nokuti mandigadzanisa mwoyo, uye mataura neni zvakanaka kwazvo kunyange zvazvo ndisiri mumwe wavasikana ava, vanokushandirai.” Panguva yokudya, Bhoazi akati kuna Rute, “Chimbouya kuno udye chingwa uchichiseva muwaini.” Rute akauya akagara pedyo navakohwi. Bhoazi akamupa mbesanwa dzakakangwa, akadya akaguta zvokutosiyawo zvimwe. Rute paakadzokera kundofuhwa, Bhoazi akataurira vakomana vake achiti, “Regai zvenyu mukadzi uyu afuhwe kunyange pazvisote murege kuita chakaipa kwaari chingamufumure. Asi musvomhorerei dzimwe hura pazvisote izvozvo, muchimusiyira kuti afuhwe asi musamutsiure.” Saka akafuhwa kusvikira manheru ndokubva apura bhari yaakanga afuhwa akawana bhari inorema makirogiramu ainge oda kusvika gumi. Akaitakura akaenda nayo kuguta akandoratidza vamwene vake zvaakanga afuhwa. Akavaigirawo zvokudya zviya zvakasara paakadya akaguta.
Rute 2:11-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Boazi akapindura, akati kwaari: Ndakaziʋiswa ɀose ɀawakaitira ʋamŋene ʋako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya ɓaɓa ʋako namai ʋako nenyika kwawakaɓerekerwa, ukaʋuya kuʋanhu ʋawakaŋga usiŋgaziʋi kare. Jehova ŋgaakuripire seɀawakaɓata, upiwe muɓairo wakakwana naJehova Mŋari waIsraeri, wawakaʋuya kuzoʋanda pasi pamapapiro ake. Iye akati: Ndinzwirwe haŋgu nyasha nemi, ishe waŋgu; nokuti makandinyaradza, mukataura ɀakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyaŋge ndisina‐kufanana nomumŋe waʋarandakadzi ʋenyu. Neŋguʋa yokudya Boazi akati kwaari: Ʋuya pano, udye ciŋgwa, useʋere musuʋa wako muvinega. Iye akagara naʋaceki, iʋo ʋakamugamucidza ɀiyo ɀakakaŋgwa, akadya, akaguta, akasiya ɀimŋe. Ɀino wakati asimuka kuzoʋuŋganidza ɀiyo, Boazi akaraira majaya ake, akati: Ŋgaaʋuŋganidze hake kunyaŋge napakati peɀisote, musamudziʋisa. Mumuvomorere ʋo dzimŋe hura patsama, mudzisiye, aʋuŋganidze hake, musamutuka. Naiɀoɀo akaʋuŋganidza pamunda kuȿikira maɗekwana; akandopura ɀaakaʋuŋganidza, ɀikaʋaʋarira kuȿika efa imŋe yebari. Akaɀisimudza, ndokupinda muguta; ʋamŋene ʋake ʋakaʋona ɀaakaŋga aʋuŋganidza; akaɓuɗisa ʋo ɀakaŋga ɀasara aguta hake, akaʋapa iɀo.
Rute 2:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)