Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rute 2:1-16

Rute 2:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino Naomi aiva nehama yokumurume wake, aibva kuimba yaErimereki, murume akasimukira, zita rake richinzi Bhoazi. Zvino Rute muMoabhu akati kuna Naomi, “Regai ndiende kuminda ndinonongera zviyo zvinosara ndiri shure kwaani zvake achandiitira nyasha.” Naomi akati kwaari, “Enda hako mwanasikana wangu.” Naizvozvo akaenda kuminda akatanga kunongera ari muminda achitevera shure kwavacheki. Zvakaitika ndezvokuti akabva angoenda kundoshanda mumunda waBhoazi, uyo aibva kuimba yaErimereki. Panguva iyoyo Bhoazi akasvika achibva kuBheterehema ndokukwazisa vacheki achiti, “Jehovha ave nemi!” Ivo vakapindura vachiti, “Jehovha akuropafadzei!” Bhoazi akabvunza mutariri wavacheki akati, “Ko, mukadzi wechidiki uyo ndewani?” Mutariri akapindura akati, “Mukadzi wechiMoabhu akadzoka pamwe chete naNaomi vachibva kuMoabhu. Ati, ‘Ndapota nditenderei kunongera ndichiunganidza pakati pezvisote ndiri mushure mavacheki.’ Abva aenda mumunda akashanda nesimba kubva mangwanani kusvikira zvino, kunze kwenguva pfupi yaazorora ari mudumba iro.” Saka Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa, mwanasikana wangu. Usaenda kunonongera uri kuno mumwe munda uye usaenda kure uchibva pano. Gara pano navashandi vangu vechisikana ava. Utarire munda uyo waunoona varume vachicheka, ugotevera mushure mavasikana. Ndarayira majaya kuti arege kukubata. Uye paunonzwira nyota, uende kunonwa mvura mumidziyo iyo yazadzwa namajaya.” Ipapo, akawira pasi nechiso chake akatsikitsira pasi. Akashamisika, akati, “Zvaita sei kuti ndiwane nyasha dzakadai pamberi penyu kuti mundione ini mutorwa?” Bhoazi akapindura achiti, “Ndakaudzwa pamusoro pezvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, uye kuti wakasiya sei baba vako namai vako uye nenyika yokwako ukauya kuzogara navanhu vawakanga usingazivi. Jehovha ngaakuripire pane zvawakaita. Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaakupe mubayiro uzere, iye wawakauya ukavanda pasi pamapapiro ake.” Rute akati, “Regai ndirambe ndichiwana nyasha pamberi penyu, ishe wangu. Mandinyaradza uye mataura netsitsi kumurandakadzi wenyu kunyange ndisina kufanana navamwe varandakadzi venyu.” Panguva yokudya, Bhoazi akati kwaari, “Uya kuno. Tora chingwa udye uchiseva muvhiniga iyi.” Akati agara pasi navacheki, Bhoazi akamupa zviyo zvakakangwa. Akadya zvose zvaaida zvimwe zvikasara. Paakasimuka kuti anongere, Bhoazi akarayira majaya ake achiti, “Kunyange akaunganidza pakati pezvisote, musamudzivisa. Asi, mumuvhomorere dzimwe tsama, kubva pamasumbu enyu mumusiyire agononga, uye musamutsiura.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Rute 2

Rute 2:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Naomi wakanga ane hama yomurume wake, murume wakanga ane simba nepfuma, weimba yaErimereki, wainzi Bhoazi. Rute muMoabhu akati kuna Naomi, “Nditenderei ndiende kumunda, ndindounganidza hura dzezviyo shure kwaiye unondinzwira nyasha.” Akati kwaari, “Enda hako, mwana wangu.” Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; akava neropa rakanaka kuti wakasvika pamunda waBhoazi weimba yaErimereki. Zvino wonei, Bhoazi wakabva Bheterehemu, akati kuvacheki, “Jehovha ave nemi.” Ivo vakapindura, vakati kwaari, “Jehovha akuropafadzeiwo.” Bhoazi akati kumuranda wake wakanga ari mutariri wavacheki, “Musikana uyu ndowaaniko?” Muranda, wakanga ari mutariri wavacheki, akapindura akati, “Ndiye musikana muMoabhu, wakadzoka naNaomi vachibva kunyika yaMoabhu, iye akati, ‘Nditendereiwo ndiunganidze, ndinonge shure kwavacheki pakati pezvisote,’ naizvozvo akauya, akaswerapo kubva mangwanani kusvikira zvino, asi wakagara mumba nguva duku.” Ipapo Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa hako, mwanasikana wangu. Usandounganidza kunomumwe munda, uye usabva pano, asi urambire pano kuvasikana vangu. Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; ndakaraira majaya angu kuti varege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya.” Ipapo akawira pasi nechiso chake, akakotamira pasi, akati kwaari, “Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu?” Bhoazi akapindura akati kwaari, “Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare. Jehovha ngaakuripire sezvawakabata, upiwe mubayiro wakakwana naJehovha Mwari waIsiraeri, wawakauya kuzovanda pasi pamapapiro ake.” Iye akati, “Ndinzwirwe hangu nyasha nemi, ishe wangu, nokuti makandinyaradza, mukataura zvakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyange ndisina kufanana nomumwe wavarandakadzi venyu.” Nenguva yokudya Bhoazi akati kwaari, “Uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga.” Iye akagara navacheki, ivo vakamugamuchidza zviyo zvakakangwa, akadya, akaguta, akasiya zvimwe. Zvino wakati asimuka kuzounganidza zviyo, Bhoazi akaraira majaya ake, akati, “Ngaaunganidze hake kunyange napakati pezvisote, musamudzivisa. Mumuvhomorerewo dzimwe hura patsama, mudzisiye, aunganidze hake, musamutuka.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Rute 2

Rute 2:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Naomi uyu aiva nehama yomurume wake Erimereki yomumba, yainzi Bhoazi yaiva shoroma chaiyo yomurume. Zvino Rute muMoabhu uyu akati kuna Naomi, “Regai ndiende zvangu kundofuhwa mbesanwa mumunda womunhu anenge andinzwirawo tsitsi.” Naomi akati, “Enda zvako mwanangu.” Akasimuka akabva aenda kune mumwe munda akandofuhwa achitevera vakohwi. Zvakangoitikawo kuti munda iwoyo wakanga uri waBhoazi aiva wemhuri imwechete naErimereki. Ndiyo nguva yakabva yasvikawo Bhoazi achibva kuBheterehemu. Akakwazisa vakohwi ivava achiti, “Tenzi ngaave nemi!” Ivo vakatiwo, “Tenzi ngaakukomborereiwo!” Bhoazi akabvunza mushandi wake aitungamirira vakohwi kuti, “Ko mukadzi uyu ndowokwaani?” Mushandi wake wokutungamirira vakohwi ndokuti, “Mukadzi wechiMoabhu akauya naNaomi paakadzoka achibva kuMoabhu, akati, ‘Mungandibvumirewo here kufuhwa zvangu ndichitevera panenge pabva vakohwi, napane zvisote.’ Saka auya akashanda kubvira mangwanani-ngwanani kusvikira iye zvino, angozorora kwekanguva kaduku mudumba umo.” Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa mwanangu, chirega zvako kuzvinetsa nokusweroenda kundofuhwa kune mimwe minda, asi ramba wakati kwati navasikana ava. Ziso rako ngarirege kubva pamunda wavanenge vachikohwa urambe uchingovatevera. Ndaudza vakomana ava kuti varege kuwana chakaipa chavanoita kwauri. Kana wava nenyota woendawo kumidziyo uko wondonwa mvura inenge yatekwa navashandi ava.” Rute akapfugama ndokutyora uso akati, “Zvandibvira nepiko kuti mundiitirewo mwoyochena wakadai wokundicheukawo kudai ini zvangu mutorwa?” Bhoazi akamupindura achiti, “Zvose zvawakaitira vamwene vako kubvira panguva yakafa murume wako ndakanyatsozvirondedzerwa. Ndakaudzwawo nezvokusiya kwawakaita baba wako naamai vako, nokusiyawo kwawakaita nyika yokwako ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare. Tenzi ngaakupe mubayiro wezvawakaita, upiwe mubayiro wakakwana chaiwo naTenzi, Mwari wavaIsiraeri mumapapiro ake mawakauya kuzopotera.” Iye ndokuti, “Maita mwoyo wakanaka chaizvo kwandiri changamire nokuti mandigadzanisa mwoyo, uye mataura neni zvakanaka kwazvo kunyange zvazvo ndisiri mumwe wavasikana ava, vanokushandirai.” Panguva yokudya, Bhoazi akati kuna Rute, “Chimbouya kuno udye chingwa uchichiseva muwaini.” Rute akauya akagara pedyo navakohwi. Bhoazi akamupa mbesanwa dzakakangwa, akadya akaguta zvokutosiyawo zvimwe. Rute paakadzokera kundofuhwa, Bhoazi akataurira vakomana vake achiti, “Regai zvenyu mukadzi uyu afuhwe kunyange pazvisote murege kuita chakaipa kwaari chingamufumure. Asi musvomhorerei dzimwe hura pazvisote izvozvo, muchimusiyira kuti afuhwe asi musamutsiure.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Rute 2

Rute 2:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Naome wakaŋga anehama yomurume wake, murume wakaŋga anesimba nefuma, weimba yaErimereki, wainzi Boazi. Rute muMoabi akati kunaNaome: Nditenderei ndiende kumunda, ndindoʋuŋganidza hura dzeɀiyo shure kwaiye unondinzwira nyasha. Akati kwaari: Enda hako, mŋana waŋgu. Iye akaenda, akandoʋuŋganidza pamunda aciteʋera ʋaceki; akaʋa neropa rakanaka kuti wakaȿika pamunda waBoazi weimba yaErimereki. Ɀino ʋonei, Boazi wakabva Beti‐rehemi, akati kuʋaceki: Jehova aʋe nemi. Iʋo ʋakapindura, ʋakati kwaari: Jehova akuropafadzei ʋo. Boazi akati kumuranda wake wakaŋga ari mutariri waʋaceki: Musikana uyu ndowaniko? Muranda, wakaŋga ari mutariri waʋaceki, akapindura, akati: Ndiye musikana muMoabi, wakadzoka naNaome ʋacibva kunyika yaMoabi; iye akati: Nditenderei ʋo ndiʋuŋganidze, ndinoŋge shure kwaʋaceki pakati peɀisote; naiɀoɀo akaʋuya, akaswera’po kubva maŋgwanani kuȿikira ɀino; asi wakagara mumba ŋguʋa ɗuku. Ipapo Boazi akati kunaRute: Cinzwa hako, mŋanasikana waŋgu. Usandoʋuŋganidza kunomumŋe munda, ʋuye usabva pano, asi urambire pano kuʋasikana ʋaŋgu. Meso ako ŋgaarambe acitarira munda waʋanoceka, newe uʋateʋere; ndakaraira majaya aŋgu kuti ʋarege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya. Ipapo akawira pasi neciso cake, akakotamira pasi, akati kwaari: Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muʋe nehanya neni, ɀandiri mutorwa haŋgu? Boazi akapindura, akati kwaari: Ndakaziʋiswa ɀose ɀawakaitira ʋamŋene ʋako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya ɓaɓa ʋako namai ʋako nenyika kwawakaɓerekerwa, ukaʋuya kuʋanhu ʋawakaŋga usiŋgaziʋi kare. Jehova ŋgaakuripire seɀawakaɓata, upiwe muɓairo wakakwana naJehova Mŋari waIsraeri, wawakaʋuya kuzoʋanda pasi pamapapiro ake. Iye akati: Ndinzwirwe haŋgu nyasha nemi, ishe waŋgu; nokuti makandinyaradza, mukataura ɀakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyaŋge ndisina‐kufanana nomumŋe waʋarandakadzi ʋenyu. Neŋguʋa yokudya Boazi akati kwaari: Ʋuya pano, udye ciŋgwa, useʋere musuʋa wako muvinega. Iye akagara naʋaceki, iʋo ʋakamugamucidza ɀiyo ɀakakaŋgwa, akadya, akaguta, akasiya ɀimŋe. Ɀino wakati asimuka kuzoʋuŋganidza ɀiyo, Boazi akaraira majaya ake, akati: Ŋgaaʋuŋganidze hake kunyaŋge napakati peɀisote, musamudziʋisa. Mumuvomorere ʋo dzimŋe hura patsama, mudzisiye, aʋuŋganidze hake, musamutuka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Rute 2

Rute 2:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)