Rute 1:14-18
Rute 1:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuda kwaizvozvo, vakachema zvakare. Ipapo Opa akasvetana navamwene akaonekana navo, asi Rute akanamatirana navo. Naomi akati kwaari, “Tarira, mukadzinyina wako adzokera kuvanhu vokwake nokuvamwari vake. Chidzokera naye.” Asi Rute akapindura akati, “Musandigombedzera kuti ndikusiyei kana kukufuratirai. Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, uye pamunogara ndipo pandichagarawo. Vanhu venyu vachava vanhu vangu uye Mwari wenyu achava Mwari wangu. Pamunofira ndipo pandichafirawo, uye ndipo pandichavigwa. Jehovha ngaandirange, zvinorwadza kwazvo, kana pakava nechimwe chinhu chingatiparadzanisa kunze kworufu.” Zvino Naomi akati aona kuti Rute akanga ashinga kuenda naye, akarega kumugombedzera.
Rute 1:14-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo vakachemazve kwazvo, Oripa akatsvoda vamwene vake, asi Rute wakavanamatira. Akati, “Tarira, vakoma vako vadzokera kuvanhu vako, nokumwari wake; dzoka newewo, utevere vakoma vako.” Rute akati, “Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nokuti pamunoenda neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; navanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu achava Mwari wangu; pamunondofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu bedzi.” Zvino wakati achiona kuti watsungirira kwazvo kuenda naye, akarega kuzotaura naye.
Rute 1:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakahwihwidza kuchema zvakare ndokubva Oripa atsvoda vamwene vake achionekedzana navo, asi Rute akaramba angoti dzvemere navo. Naomi akati, “Tarira uone mukadzin'ina wako adzokera kune vokwake nokune vamwari vake. Iwe dzokerawo sezvaita mukadzin'ina wako.” Asi Rute akapindura achiti, “Regai zvenyu kunditeterera kuti ini ndikusiyei kana kuti ndidzokere. Kwamuchaenda ndokwandichaendawo, kwamuchange mugere ndokwandichagarawo, vanhu vokwenyu vachavawo vokwangu, Mwari wenyu ndiye achavawo Mwari wangu. Kwamunofira ndokwandichafirawo, ikoko ndokwandichavigwawo. Kunyange rufu chairwo harufanire kutiparadzanisa; kana ndadaro Tenzi ngaandione, ngaandirege ndichiwirwa, nezvakatoomesesa.” Naomi paakaona kuti Rute atsungirira kuenda naye akabva anyarara zvake.
Rute 1:14-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ʋakacema ɀe kwaɀo, Orpa akaȿeta ʋamŋene ʋake, asi Rute wakaʋanamatira. Akati: Tarira, ʋakoma ʋako ʋadzokera kuʋanhu ʋako, nokumŋari wake; dzoka newe ʋo, uteʋere ʋakoma ʋako. Rute akati: Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteʋerai; nokuti pamunoenda, neni ndicaenda’po ʋo; pamunoʋata, neni ndicaʋata’po ʋo; ʋanhu ʋenyu ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, naMŋari wenyu ucaʋa Mŋari waŋgu; pamunondofira, ndi’po pandicandofira neni ʋo, ndi’po pandicaʋigwa ʋo; Jehova ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, kana imi neni tikaparadzaniswa necinhu, asi norufu ɓedzi. Ɀino wakati aciʋona kuti watsuŋgirira kwaɀo kuenda naye, akarega kuzotaura naye.
Rute 1:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)