Rute 1:1-22
Rute 1:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumazuva okutonga kwavatongi munyika makaita nzara, uye mumwe murume aibva kuBheterehema Judha, pamwe chete nomukadzi wake navanakomana vake vaviri, akaenda kundogara munyika yeMoabhu kwechinguva. Murume uyu ainzi Erimereki, mukadzi wake achinzi Naomi, uye mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni. Vaiva vaEfurata vaibva kuBheterehema Judha. Uye vakaenda kuMoabhu vakagarako. Zvino Erimereki, murume waNaomi akafa, iye akasiyiwa aine vanakomana vake vaviri. Vakawana vakadzi vechiMoabhu, zita romumwe rainzi Opa uye romumwe rainzi Rute. Mushure mokunge vagarako kwamakore anenge gumi, vose vari vaviri, Maroni naKirioni vakafawo, Naomi akasiyiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake. Naomi paakanga achiri muMoabhu, akanzwa kuti Jehovha akazoshanyira vanhu vake akavapa zvokudya, iye navaroora vake vakagadzirira kudzokera kumusha vachibva ikoko. Akabva pamwe chete navaroora vake panzvimbo yavaigara vakasimuka vakaenda nenzira yaizovasvitsa kunyika yeJudha. Zvino Naomi akati kuvaroora vake vaviri, “Chidzokerai henyu, mumwe nomumwe wenyu kuimba yamai vake. Jehovha ngaakuitirei tsitsi, sezvamakaitirawo vakafa venyu nokwandiri. Jehovha ngaaite kuti mumwe nomumwe wenyu awane zororo mumba yomumwe murume.” Ipapo akavatsvoda uye vakachema zvikuru. Zvino vakati kwaari, “Tichadzokera nemi kuvanhu vokwenyu.” Asi Naomi akati kwavari, “Dzokerai, vana vangu. Mungadireiko kuenda neni? Ndichazova navamwe vanakomana, vangazova varume venyu here? Dzokerai, vanasikana vangu; ini ndachembera kwazvo zvokuti handingavi nomumwe murume. Kunyange dai ndaifunga kuti ndichine tariro, kunyange ndaiva nomurume usiku huno ndikabereka vanakomana, maizovamirira kusvikira vakura here? Mungazogara musina kuwanikwa nokuda kwavo here? Kwete, vanasikana vangu. Izvi zvandishungurudza kwazvo kupinda imi, nokuti ruoko rwaJehovha rwauya kuzorwisana neni!” Nokuda kwaizvozvo, vakachema zvakare. Ipapo Opa akasvetana navamwene akaonekana navo, asi Rute akanamatirana navo. Naomi akati kwaari, “Tarira, mukadzinyina wako adzokera kuvanhu vokwake nokuvamwari vake. Chidzokera naye.” Asi Rute akapindura akati, “Musandigombedzera kuti ndikusiyei kana kukufuratirai. Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, uye pamunogara ndipo pandichagarawo. Vanhu venyu vachava vanhu vangu uye Mwari wenyu achava Mwari wangu. Pamunofira ndipo pandichafirawo, uye ndipo pandichavigwa. Jehovha ngaandirange, zvinorwadza kwazvo, kana pakava nechimwe chinhu chingatiparadzanisa kunze kworufu.” Zvino Naomi akati aona kuti Rute akanga ashinga kuenda naye, akarega kumugombedzera. Saka vakadzi vaviri ava vakaramba vachifamba kusvikira vasvika kuBheterehema. Vakati vasvika muBheterehema, guta rose rakazungunuswa nokuda kwavo, uye vakadzi vakakatyamara vachiti, “Angava Naomi here uyu?” Iye akati kwavari, “Musandidaidza kuti Naomi. Ndidaidzei kuti Mara, nokuti Wamasimba Ose akashungurudza upenyu hwangu kwazvo. Ndakaenda ndakazara, asi Jehovha akandidzosa ndisina chinhu. Seiko muchinditi Naomi? Jehovha akandirwadzisa; Wamasimba Ose akauyisa rushambwa pamusoro pangu.” Naizvozvo Naomi akadzokera achibva kuMoabhu, naRute muMoabhu, muroora wake, vakasvika muBheterehema nguva yokukohwa bhari ichangotanga.
Rute 1:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino namazuva okutonga kwavatongi nzara yakanga iripo panyika. Mumwe murume weBheterehemu-judha akandogara panyika yaMoabhu, iye nomukadzi wake navanakomana vake vaviri. Zita romurume rakanga riri Erimereki, nezita romukadzi wake Naomi; mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni, vaEfurata veBheterehemu-judha. Ivo vakasvika panyika yaMoabhu, vakagarako. Zvino Erimereki murume waNaomi, akafa, iye akasiyiwa navanakomana vake vaviri. Ivo vakazviwanira vakadzi kuvaMoabhu; zita romumwe raiva Oripa, nezita romumwe Rute; vakagarako makore anenge gumi. Maroni naKirioni vakafawo, vose vari vaviri, mukadzi akasiyiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake. Ipapo akasimuka navakadzi vavana vake, achida kubva kunyika yaMoabhu; nokuti wakanga anzwa achiri panyika yaMoabhu, kuti Jehovha wakarangarira vanhu vake, akavapa zvokudya. Akabva kwaakanga ari navakadzi vavana vake vaviri, vakafamba nenzira inodzokera kunyika yaJudha. Zvino Naomi akati kuvakadzi vavana vake vaviri, “Endai, dzokerai mumwe nomumwe kumba kwamai vake; Jehovha ngaakuitirei zvakanaka, sezvamakaitira vakafa neniwo. Jehovha ngaakuzorodzei, mumwe nomumwe mumba momurume wake.” Akavatsvoda, ivo vakachema kwazvo. Vakati kwaari, “Kwete, tichaenda nemi kana modzokera kuvanhu venyu.” Naomi akati, “Dzokai, vana vangu, muchaendereiko neni? Ini ndichina vamwe vanakomana mumuviri wangu vangazova varume venyu here? Dzokai, vana vangu, endai henyu, nokuti ini ndachembera, handingawanikwi nomurumezve. Kunyangwe ndikati; ndichine tariro kuti ndingabereka vanakomana, kana ndaiva nomurume usiku hwuno, mungavamirira kusvikira vakura here? Mungaramba kuwanikwa navamwe varume naizvozvo here? Kwete, vana vangu, nokuti ndine shungu kwazvo nokuda kwenyu, nokuti ruoko rwaJehovha runorwa neni.” Ipapo vakachemazve kwazvo, Oripa akatsvoda vamwene vake, asi Rute wakavanamatira. Akati, “Tarira, vakoma vako vadzokera kuvanhu vako, nokumwari wake; dzoka newewo, utevere vakoma vako.” Rute akati, “Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nokuti pamunoenda neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; navanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu achava Mwari wangu; pamunondofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu bedzi.” Zvino wakati achiona kuti watsungirira kwazvo kuenda naye, akarega kuzotaura naye. Naizvozvo ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBheterehemu. Zvino vakati vachisvika paBheterehemu, guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, “Uyu ndiye Naomi here?” Akati kwavari, “Regai kundiidza Naomi, asi mundiidze Mara, nokuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo. Ndakabuda ndizere, Jehovha akandidzoserazve kumusha ndisina chinhu; munondiidzireiko Naomi, Jehovha zvaakandipupurira mhosva, waMasimbaose zvaakandimanikidza?” Naizvozvo Naomi akadzoka naRute muMoabhu, mukadzi womwana wake, vachibva kunyika yaMoabhu; vakasvika paBheterehemu vanhu votanga kukohwa bhari.
Rute 1:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumazuva aitungamirirwa navatungamiriri vainzi vatongi kwakaitika nzara munyika yeIsiraeri. Mumwe murume wokuBheterehemu rokwaJudha, akaenda kumbondogara kunyika yeMoabhu nomukadzi wake navana vake vaviri vakomana. Murume uyu ainzi Erimereki, mukadzi wake achinzi Naomi, vana vake vachinzi Mahironi naKirioni. Vaiva vemhuri yekwaEfurati, vokuBheterehemu rokwaJudha. Vakaenda kune rimwe dunhu reMoabhu vakamboita musha ikoko. Zvino Erimereki, murume waNaomi akafa, Naomi ndokusiyiwa aine vana vake vakomana vaviri. Vanakomana ivava vakaroora vakadzi vechiMoabhu. Mumwe mukadzi wacho ainzi Oripa, mumwe achinzi Rute. Vakapedza makore anenge gumi vagereko, ndokubva Mahironi naKirioni vazofawo. Saka Naomi akarasikirwa navana vake vakomana vaviri nomurume wake. Naomi navaroora vake vakagadzirira zvokudzokera kuti vachibva zvavo munyika yeMoabhu nokuti vari munyika yeMoabhu imomo vakanzwa zvichinzi Tenzi akanga azoshanyira vanhu vake akavawanisa chokudya. Iye navaroora vake vaviri vakasimuka vakabva kwavaigara, vakapinda munzira vodzokera kunyika yokwaJudha. Asi Naomi akataurira varoora vake vaviri vaya achiti, “Zvino imi mochitodzokera zvenyu kumusha kwanaamai venyu. Tenzi ngaakuratidzei kutendeseka mwoyochena wake sezvamakaitira vakatisiya nezvamakaitawo kwandiri. Tenzi ngaakubatsirei kuti muroorwezve mugogara zvenyu zvakanaka mudzimba dzavarume venyu.” Naomi akavatsvoda, ivowo vakahwihwidza kuchema vakati, “Aiwa, chiripo ndechokuti tinofanira kudzokerawo nemi kuvanhu vokwenyu.” Asi Naomi akati, “Dzokerai zvenyu vanangu, chii chamuchaenderawo neni? Munoti ndichine vana vakomana vandingabereke vokuzokuroorai here? Dzokerai vanangu muende zvenyu nokuti ikoku uku kutochembera kwandaita, hazvichaiti kuti ndiroorwe zvakare. Kunyange dai ndanga ndichine chitarisiro chembereko uye kunyange ndikava nomurume usiku hwanhasi ndikabereka vana vakomana, ndopamungazovamirira here kusvikira vakura? Ndozvamungazvimisire kuroorwa navamwe here? Kweteka vanangu, nhamo yenyu inondirwadza mumwoyo chaizvo nokuti zvenhamo yangu iyi ndiTenzi akazvida.” Vakahwihwidza kuchema zvakare ndokubva Oripa atsvoda vamwene vake achionekedzana navo, asi Rute akaramba angoti dzvemere navo. Naomi akati, “Tarira uone mukadzin'ina wako adzokera kune vokwake nokune vamwari vake. Iwe dzokerawo sezvaita mukadzin'ina wako.” Asi Rute akapindura achiti, “Regai zvenyu kunditeterera kuti ini ndikusiyei kana kuti ndidzokere. Kwamuchaenda ndokwandichaendawo, kwamuchange mugere ndokwandichagarawo, vanhu vokwenyu vachavawo vokwangu, Mwari wenyu ndiye achavawo Mwari wangu. Kwamunofira ndokwandichafirawo, ikoko ndokwandichavigwawo. Kunyange rufu chairwo harufanire kutiparadzanisa; kana ndadaro Tenzi ngaandione, ngaandirege ndichiwirwa, nezvakatoomesesa.” Naomi paakaona kuti Rute atsungirira kuenda naye akabva anyarara zvake. Saka vose vari vaviri vakaramba vachienda kudzamara vasvika kuBheterehemu. Pavakasvika kuBheterehemu, guta rose rakazevezana nezvavo. Vakadzi vaiti, “NdiNaomi here uyu chokwadi?” Ivo vakati kwavari, “Regai zvenyu kunditi Naomi, isvai zvenyu manditi Mara nokuti Samasimbaose akaita kuti upenyu hundiipire. “Ndakaenda ndakapfumawo Asi Tenzi andidzora ndachiti dano, ndisisina kana chinhu muchanza. Chamunonditi Naomi, ndechipi ipapa, kana Tenzi achindipa nhamo kudai, kana iye Samasimbaose achitondirwadzisa kudai?” Ndiwo madzokero akaita Naomi kubva kuMoabhu aina Rute muroora wake wechiMoabhu. Vakasvika kuBheterehemu iri nguva yokutanga kukohwa bhari.
Rute 1:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino namazuʋa okutoŋga kwaʋatoŋgi nzara yakaŋga iri’po panyika. Mumŋe murume weBeti‐rehemi‐juda akandogara panyika yaMoabi, iye nomukadzi wake naʋanakomana ʋake ʋaʋiri. Zita romurume rakaŋga riri Erimereki, nezita romukadzi wake Naome; mazita aʋanakomana ʋake ʋaʋiri aiʋa Maroni naKirioni, ʋaEfrata ʋeBeti‐rehemi‐juda. Iʋo ʋakaȿika panyika yaMoabi, ʋakagara’ko. Ɀino Erimereki murume waNaome, akafa, iye akasiyiwa naʋanakomana ʋake ʋaʋiri. Iʋo ʋakaɀiwanira ʋakadzi kuʋaMoabi; zita romumŋe raiʋa Orpa, nezita romumŋe Rute; ʋakagara’ko makore aneŋge gumi. Maroni naKirioni ʋakafa ʋo, ʋose ʋari ʋaʋiri, mukadzi akasiyiwa asinaʋanakomana ʋake ʋaʋiri nomurume wake. Ipapo akasimuka naʋakadzi ʋaʋana ʋake, aciɗa kubva kunyika yaMoabi; nokuti wakaŋga anzwa aciri panyika yaMoabi, kuti Jehova wakaraŋgarira ʋanhu ʋake, akaʋapa ɀokudya. Akabva kwaakaŋga ari naʋakadzi ʋaʋana ʋake ʋaʋiri, ʋakafamba nenzira inodzokera kunyika yaJuda. Ɀino Naome akati kuʋakadzi ʋaʋana ʋake ʋaʋiri: Endai, dzokerai mumŋe nomumŋe kumba kwamai ʋake; Jehova ŋgaakuitirei ɀakanaka, seɀamakaitira ʋakafa neni ʋo. Jehova ŋgaakuzorodzei, mumŋe nomumŋe mumba momurume wake. Akaʋaȿeta, iʋo ʋakacema kwaɀo. Ʋakati kwaari: Kwete, ticaenda nemi kana modzokera kuʋanhu ʋenyu. Naome akati: Dzokai, ʋana ʋaŋgu, mucaendireiko neni? Ini ndicinaʋamŋe ʋanakomana mumuʋiri waŋgu ʋaŋgazoʋa ʋarume ʋenyu here? Dzokai, ʋana ʋaŋgu, endai henyu, nokuti ini ndacembera, handiŋgawanikwi nomurume ɀe. Kunyaŋge ndikati: Ndicinetariro kuti ndiŋgaɓereka ʋanakomana, kana ndaiʋa nomurume ʋusiku bguno, muŋgaʋamirira kuȿikira ʋakura here? Muŋgaramba kuwanikwa naʋamŋe ʋarume naiɀoɀo here? Kwete, ʋana ʋaŋgu, nokuti ndineshuŋgu kwaɀo nokuɗa kwenyu, nokuti ruʋoko rwaJehova runorwa neni. Ipapo ʋakacema ɀe kwaɀo, Orpa akaȿeta ʋamŋene ʋake, asi Rute wakaʋanamatira. Akati: Tarira, ʋakoma ʋako ʋadzokera kuʋanhu ʋako, nokumŋari wake; dzoka newe ʋo, uteʋere ʋakoma ʋako. Rute akati: Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteʋerai; nokuti pamunoenda, neni ndicaenda’po ʋo; pamunoʋata, neni ndicaʋata’po ʋo; ʋanhu ʋenyu ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, naMŋari wenyu ucaʋa Mŋari waŋgu; pamunondofira, ndi’po pandicandofira neni ʋo, ndi’po pandicaʋigwa ʋo; Jehova ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, kana imi neni tikaparadzaniswa necinhu, asi norufu ɓedzi. Ɀino wakati aciʋona kuti watsuŋgirira kwaɀo kuenda naye, akarega kuzotaura naye. Naiɀoɀo iʋaʋo ʋaʋiri ʋakafamba kuȿikira paBeti‐rehemi. Ɀino ʋakati ʋaciȿika paBeti‐rehemi, guta rose rikashamiswa pamsoro paʋo; ʋakadzi ʋakati: Uyu ndiye Naome here? Akati kwaʋari: Regai kundiidza Naome, asi mundiidze Mara, nokuti Wamasimba‐ose wakandiitira ɀinoʋaʋa kwaɀo. Ndakaɓuɗa ndizere, Jehova akandidzosera ɀe kumusha ndisinecinhu; munondiidzireiko Naome, Jehova ɀaakandipupurira mhoȿa, Wamasimba‐ose ɀaakandimanikidza? Naiɀoɀo Naome akadzoka naRute muMoabi, mukadzi womŋana wake, ʋacibva kunyika yaMoabi; ʋakaȿika paBeti‐rehemi ʋanhu ʋotaŋga kukohwa bari.
Rute 1:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)