VaRoma 9:6-18
VaRoma 9:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hazvirevi kuti shoko raMwari rakakundikana. Nokuti havasi vose vari zvizvarwa zvaIsraeri vanova vaIsraeri. Uye nokuti zvavari vorudzi rwake, vose vana vaAbhurahama. Asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.” Namamwe mashoko, havasi vana panyama vanova vana vaMwari, asi vana vechipikirwa ndivo vanonzi vana vaAbhurahama. Nokuti aya ndiwo mashoko echipikirwa: “Panguva yakatarwa ndichauya, uye Sara achava nomwanakomana.” Kwete izvozvo zvoga, asi kuti naRabhekawo akava navana vomunhu mumwe uye baba vamwe, baba vedu Isaka. Asi mapatya asati azvarwa, vasati vaita chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti kuda kwaMwari pakusarudza kwake kusimbiswe, kwete nokuda kwamabasa asi nokuda kwake iye anodana, akaudzwa kuti, “Mukuru achava muranda womuduku.” Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.” Zvino tichatiiko? Mwari haaruramisiri here? Kwete napaduku! Nokuti anoti kuna Mozisi: “Ndichanzwira ngoni wandichanzwira ngoni, uye ndichaitira tsitsi wandichaitira tsitsi.” Naizvozvo, hazvibvi pashungu kana pamabasa omunhu, asi patsitsi dzaMwari. Nokuti Rugwaro runoti kuna Faro, “Ndakakumutsira chikonzero ichochi, kuti ndiratidze simba rangu mauri uye kuti zita rangu rigoparidzwa panyika yose.” Naizvozvo Mwari anonzwira ngoni waanoda kunzwira ngoni, uye anoomesa mwoyo wouyo waanoda kuomesa.
VaRoma 9:6-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsiraeri havazi vaIsiraeri vose; navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.” Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi. Nokuti shoko rakapikirwa ndirori, “Nenguva yakaita seino ndichauya, Sara achava nomwanakomana.” Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rabhekawo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu. Nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakutsanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kuna iye anodana, zvakanzi kwaari, “Mukuru achava muranda womuduku.” Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.” Zvino tichatiiko? Kusarurama kuripo kuna Mwari here? Haisva! Nokuti anoti kuna Mosesi, “Ndichanzwira ngoni wandinonzwira tsitsi.” Naizvozvo hazvibvi kunoanoda, kana kunoanomhanya, asi kuna Mwari, munzwiri wengoni. Nokuti Rugwaro runoti kuna Farao, “Ndizvo zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu kwauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.” Naizvozvo anonzwira ngoni waanoda; uye anoomesera mwoyo waanoda.
VaRoma 9:6-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hakusi kuti izwi raMwari rakakundikana nokuti havasi vose vechizvarwa chaIsiraeri vari vaIsiraeri. Havasi vose vechizvarwa chaAbhurahamu vari vana vaAbhurahamu asi kuti zvinonzi, “Zvizvarwa zvako zvichadaidzwa nomuzita raIsaki.” Zvichireva kuti vana vaMwari havasiri avo vechizvarwa chenyama asi kuti vana vechitsidzo ndivo vanonzi vana vake chaivo. Chitsidzo chacho chaiti: “Ndichadzoka nguva yakaita seino iyi, ipapo Sara achava nomwana mukomana.” Hazvisizvo zvoga asi kutiwo Rabheka paakabata pamuviri pamapatya nomurume mumwechete tateguru wedu Isaki; kunyange paakanga asati aberekwa asati amboita chakanaka kana chakaipa uye kuri kuti kusarudza kwaidiwa naMwari kuenderere mberi, kwete pamusana pamabasa asi pamusana pokudaidza kwake akataurirwa kuti, “Mukoma achashandira munun'una.” Ndiko kunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Jakobho ndiye waiva wapamwoyo pangu asi Esau akanga asiri wapamwoyo pangu.” Zvino totiiko, zvinoreva kuti Mwari ano rusaruro here? Kwete handizvo nokuti anoti kuna Mosesi, “Ndichaitira tsitsi wandinenge ndada kuitira tsitsi nokunzwira urombo wandinenge ndada kunzwira urombo.” Saizvozvo hazvinei nezvinodiwa nomunhu kana zvinoedzwa kuitwa nomunhu asi chinebasa itsitsi dzaMwari. Magwaro Matsvene anoti kuna Faro, “Chandakakuitira mambo ndechokuti ndiratidze simba rangu nemauri, kuti zita rangu riparidzwe pasi pose.” Naizvozvo anoitira tsitsi kune wose waanenge ada achiita kuti waanenge ada zvake amuaomese mwoyo.
VaRoma 9:6-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi handiti shoko raMŋari rakakona. Nokuti ʋakabva kuʋaIsraeri haʋazi ʋaIsraeri ʋose; naʋari ʋorudzi rwaAbrahama haʋazi ʋana ʋake ʋose; asi ɀinonzi: KunaIsaka ndiko kucatumidzwa rudzi rwako. Ndokuti haʋazi ʋana ʋenyama ʋari ʋana ʋaMŋari; asi ʋana ʋokupikirwa, ndiʋo ʋanonzi rudzi. Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Neŋguʋa yakaita seino ndicaʋuya, Sara ucaʋa nomŋanakomana. Haɀizi iɀoɀo ɓedzi; asi Rebeka ʋo, wakati aʋa nemimba kunomumŋe, iye Isaka, ɓaɓa ʋeɗu — nokuti ʋana ʋasati ʋaɓerekwa, ʋasati ʋaita ɀakanaka kana ɀakaipa, kuti kufuŋga kwaMŋari pakusanaŋgura kwake kusimbiswe, kusiŋgabvi pamaɓasa, asi kunaiye unoɗana, ɀakanzi kwaari: Mukuru ucaʋa muranda womuɗuku. Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Jakobo ndakamuɗa, asi Esau ndakamuʋeŋga. Ɀino ticatiyiko? Kusarurama kuri’po kunaMŋari here? Haiȿa! Nokuti unoti kunaMosesi: Ndicanzwira ŋgoni wandinonzwira ŋgoni, ndicanzwira tsitsi wandinonzwira tsitsi. Naiɀoɀo haɀibʋi kunounoɗa, kana kunounomhanya, asi kunaMŋari, munzwiri weŋgoni. Nokuti Rugwaro runoti kunaFarao: Ndiɀo ɀandakakumutsira, kuti ndiratidze simba raŋgu kwauri, ʋuye kuti zita raŋgu riparidzwe panyika yose. Naiɀoɀo unonzwira ŋgoni waanoɗa; ʋuye unowomesera mŋoyo waanoɗa.
VaRoma 9:6-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)