VaRoma 9:20-26
VaRoma 9:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’ ” Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi? Ko, kana Mwari akasarudza kuratidza kutsamwa kwake, uye kuti azivise simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwira kwake, yakagadzirirwa kuparadzwa? Kana akaita izvi kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake kumidziyo yengoni, avo vaakagadzirira kare kubwinya, kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kune veDzimwe Ndudziwo? Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti: “Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu; uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu,” uye, Zvichaitika kuti paya painzi kwavari, “Hamusi vanhu vangu; vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ”
VaRoma 9:20-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakaumbwa chingati kunoakachiumba, “Wandiitireiko kudai?” Ko muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite midziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa? Zvino tichatiiko kuna Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa, kuti azivise kufuma kwokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya, iyesu vakadanwawo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedheniwo? Sezvaanorevawo mubhuku yaHosea, achiti, “Avo vakanga vasi vanhu vangu, ndichavaidza, ‘Vanhu vangu;’ Naiye akanga asi mudikanwi, ndichamuidza, ‘Mudikanwi.’ Zvichaitika kuti paya pakanga parehwa kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ Ipapo vachaidzwa vanakomana vaMwari mupenyu.”
VaRoma 9:20-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi iwe uri aniwo zvako munhuwo zvako kupindura Mwari. Chiumbwa chingati here kumuumbi wacho: “Wakandiumbirei zvakadai.” Muumbi haana mvumo here yokuita zvaanoda nomunyakwe achiita nechidimbu chawo chimwechetecho mudziyo wokushongedza nawo nomumwe wokushandisawo zvawo. Ndizvozvowo zvina Mwari, ko dai kuri kuti anoda zvake kuratidza hasha dzake nokuranga achiratidza simba rake iye achizvidzora zvake achiitira mwoyo murefu kwazvo midziyo inofanira kuparadzwa pamusana pokuda kuratidza kukura kwembiri yake kumidziyo inofanira kuitirwa tsitsi yaakafanogadzirira mbiri. Kunyange iyesu takadaidzwa tichibva kwete kuvaJudha voga asi tichibvawo mukati mevechirudzi? Sokutaura kwaanoita muna Hosea achiti: “Avo vakanga vasiri vanhu vangu ndava kuvati vanhu vangu, vandaiti havasi vapamwoyo ndava kuvati vapamwoyo.” Panzvimbo imwecheteyo pavakambonzi, “Hamusi vanhu vangu, vachanzi vana vaMwari mupenyu.”
VaRoma 9:20-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko ɀino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mŋari? Ko cakaʋumbga ciŋgati kunowakaciʋumba: Wandiitireiko kuɗai? Ko muʋumbi wehari haanesimba pamsoro pevu here, kuti neɓundu rimŋe aite mudziyo mumŋe wakakudzwa, nomumŋe usina‐kukudzwa? Ɀino ticatiyiko kana Mŋari, kana akaŋga aciɗa kuratidza kutsamŋa kwake, nokuziʋisa simba rake, akaita nomŋoyo murefu ɀikuru pamsoro pemidziyo yokutsamŋirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa, kuti aziʋise kufuma kwokubginya kwake pamsoro pemidziyo yeŋgoni, yaakaŋga agadzirira kubginya, iyesu ʋakaɗanwa ʋo naye, tisiŋgabvi kuʋaJuda ɓedzi, asi kuʋahedeni ʋo? Seɀaanoreʋa ʋo pabuku yaHosea, aciti: Aʋo ʋakaŋga ʋasi ʋanhu ʋaŋgu, ndicaʋaidza ʋanhu ʋaŋgu; Naiye wakaŋga asi muɗikanwa, ndicamuidza muɗikanwa. Ɀicaitika kuti paya pakaŋga parebga kwaʋari: Hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, Ipapo ʋacaidzwa ʋanakomana ʋaMŋari mupenyu.
VaRoma 9:20-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)