VaRoma 9:10-15
VaRoma 9:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kwete izvozvo zvoga, asi kuti naRabhekawo akava navana vomunhu mumwe uye baba vamwe, baba vedu Isaka. Asi mapatya asati azvarwa, vasati vaita chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti kuda kwaMwari pakusarudza kwake kusimbiswe, kwete nokuda kwamabasa asi nokuda kwake iye anodana, akaudzwa kuti, “Mukuru achava muranda womuduku.” Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.” Zvino tichatiiko? Mwari haaruramisiri here? Kwete napaduku! Nokuti anoti kuna Mozisi: “Ndichanzwira ngoni wandichanzwira ngoni, uye ndichaitira tsitsi wandichaitira tsitsi.”
VaRoma 9:10-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rabhekawo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu. Nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakutsanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kuna iye anodana, zvakanzi kwaari, “Mukuru achava muranda womuduku.” Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.” Zvino tichatiiko? Kusarurama kuripo kuna Mwari here? Haisva! Nokuti anoti kuna Mosesi, “Ndichanzwira ngoni wandinonzwira tsitsi.”
VaRoma 9:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hazvisizvo zvoga asi kutiwo Rabheka paakabata pamuviri pamapatya nomurume mumwechete tateguru wedu Isaki; kunyange paakanga asati aberekwa asati amboita chakanaka kana chakaipa uye kuri kuti kusarudza kwaidiwa naMwari kuenderere mberi, kwete pamusana pamabasa asi pamusana pokudaidza kwake akataurirwa kuti, “Mukoma achashandira munun'una.” Ndiko kunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Jakobho ndiye waiva wapamwoyo pangu asi Esau akanga asiri wapamwoyo pangu.” Zvino totiiko, zvinoreva kuti Mwari ano rusaruro here? Kwete handizvo nokuti anoti kuna Mosesi, “Ndichaitira tsitsi wandinenge ndada kuitira tsitsi nokunzwira urombo wandinenge ndada kunzwira urombo.”
VaRoma 9:10-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haɀizi iɀoɀo ɓedzi; asi Rebeka ʋo, wakati aʋa nemimba kunomumŋe, iye Isaka, ɓaɓa ʋeɗu — nokuti ʋana ʋasati ʋaɓerekwa, ʋasati ʋaita ɀakanaka kana ɀakaipa, kuti kufuŋga kwaMŋari pakusanaŋgura kwake kusimbiswe, kusiŋgabvi pamaɓasa, asi kunaiye unoɗana, ɀakanzi kwaari: Mukuru ucaʋa muranda womuɗuku. Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Jakobo ndakamuɗa, asi Esau ndakamuʋeŋga. Ɀino ticatiyiko? Kusarurama kuri’po kunaMŋari here? Haiȿa! Nokuti unoti kunaMosesi: Ndicanzwira ŋgoni wandinonzwira ŋgoni, ndicanzwira tsitsi wandinonzwira tsitsi.
VaRoma 9:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)