VaRoma 8:5-6
VaRoma 8:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya. Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare
VaRoma 8:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti vari venyama vanofunga zvenyama; asi vari vomweya, vanofunga zvomweya. Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndihwo hupenyu norugare
VaRoma 8:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti vanogara upenyu hwenyama pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvenyama asi vanogara upenyu hwomweya pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvomweya. Kutorwa mwoyo nezvinhu zvenyama rufu. Asi kuisa mwoyo wako kune zvomweya upenyu norugare
VaRoma 8:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ʋari ʋenyama ʋanofuŋga ɀenyama: asi ʋari ʋomŋeya, ʋanofuŋga ɀomŋeya. Nokuti kufuŋga kwenyama ndirwo rufu; asi kufuŋga kwomŋeya ndibgo ʋupenyu norugare
VaRoma 8:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)