VaRoma 8:35-37
VaRoma 8:35-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose; tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.” Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida.
VaRoma 8:35-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Takanzi tiri makwai anobayiwa.” Kwete, pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuurisa naiye wakatida.
VaRoma 8:35-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiani angatiparadzanise norudo rwaKristu? Kutambudzika here kana kuti nhamo, kana kushushwa here kana nzara kana kushaya zvokupfeka here kana pfumvu kana hondo yebakatwa here: sokunyorwa kwazvakaitwa, “Tiri kuurairwemi zuva rose, tinoonekwa sehwai dzokubaya?” Aiwa muna zvose izvi tiri vakundi vokutopfuuridza nokuna iye akatida
VaRoma 8:35-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndianiko ucatiparadzanisa noruɗo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuʋeŋgwa, kana nzara, kana kushaiwa ɀokufuka, kana njodzi, kana munondo here? Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Nokuɗa kwenyu tinoʋurawa zuʋa rose; Takanzi tiri makwai anoɓayiwa. Kwete, paɀinhu iɀi ɀose tiri ʋakundi nokupfuʋurisa naiye wakatiɗa.
VaRoma 8:35-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)