VaRoma 8:25-27
VaRoma 8:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira. Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko. Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari.
VaRoma 8:25-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi kana tichitarira chatisingaoni, tinochimirira nokutsungirira. Saizvozvo Mweya anobatiranawo nokusava nesimba kwedu; nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi Mweya amene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi; uyo anonzvera mwoyo, ndiye anoziva kufunga kwoMweya, nokuti anonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari.
VaRoma 8:25-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi kana tichitarisira chatisiri kuona tinochimirira nomwoyo murefu. Ndizvozvowo naMweya, anotibatsira muutera hwedu nokuti hatizivi kuti tinofanira kunamata sei. Asi Mweya pachake anotinamatira achitura femo rakadzama zvisingatauriki. Iye Mwari anoongorora hana dzavanhu anoziva zviri mupfungwa dzaMweya nokuti iye Mweya anonamatira vakarurama maererano nezvinoda Mwari.
VaRoma 8:25-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kana ticitarira catisiŋgaʋoni, tinocimirira nokutsuŋgirira. Saiɀoɀo Mŋeya unoɓatirana ʋo nokusaʋa‐nesimba kweɗu; nokuti hatiziʋi kunyeŋgetera ɀakafanira; asi Mŋeya amene unotinyeŋgeterera nokugomera kusiŋgataurwi; uyo unonɀera mŋoyo, ndiye unoziʋa kufuŋga kwoMŋeya, nokuti unonyeŋgeterera ʋatȿene seɀinoɗa Mŋari.
VaRoma 8:25-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)