VaRoma 8:19-23
VaRoma 8:19-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokudzungaira kukuru, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye akazviisa pasi pokudzungaira, mutariro yokuti zvisikwa pachazvo zvichazosunungurwa kubva pauranda hwokuora uye zvigoiswa pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera sokurwadza kwokuzvara mwana kusvikira panguva ino. Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu.
VaRoma 8:19-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwechete kusvikira zvino. Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuo, kunyange tine zvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu.
VaRoma 8:19-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvisikwa zvose zviri kumirira zvichisuwira kwazvo kuratidzwa kwavana vaMwari, nokuti zvisikwa zvakaitwa zvinhu pasina kwete nokuda kwazvo asi nokuda kwaiye akazviita kuti zvidaro asi chitarisiro chiripo. Chikonzero ndechokuti zvisikwa pachazvo zvichasunungurwa muuranda hwokuora zvichiwana rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvanga zvichigomera pamwechete mukurwadziwa kusvikira iye zvino. Hazvisi zvisikwa zvoga asi kana iyesuwo tine zvipo zvokutanga zvaMweya, tinogomera mukati medu, tichimirira kuti titorwe savana kuri iko kununurwa kwemiviri yedu.
VaRoma 8:19-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ɀisikwa ɀinotarisisa ɀikuru ɀicimirira kuratidzwa kwaʋanakomana ʋaMŋari. Nokuti ɀisikwa ɀakaiswa pasi peɀisiŋgagari, ɀisiŋgaɗi haɀo, asi nokuɗa kwaiye wakaɀiisa pasi paɀo, ɀicitarira kuti ɀisikwa ɀimene ɀisunuŋgurwe ʋo paʋuranda bgokuʋora, ɀiiswe pakusunuŋgurwa kwokubginya kwaʋana ʋaMŋari. Nokuti tinoziʋa kuti ɀisikwa ɀose ɀinogomera nokurwadziwa pamŋe cete kuȿikira ɀino. Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi nesu ʋo, kunyaŋge tineɀiɓereko ɀokutaŋga ɀoMŋeya, nesu timene tinogomera mukati meɗu, ticimirira kuitwa kweɗu ʋana, ndiko kudzikinurwa kwomuʋiri weɗu.
VaRoma 8:19-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)