VaRoma 8:14-39
VaRoma 8:14-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari. Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, “Abha, Baba.” Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye. Nokuti ndinoti matambudziko atinawo nguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokudzungaira kukuru, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye akazviisa pasi pokudzungaira, mutariro yokuti zvisikwa pachazvo zvichazosunungurwa kubva pauranda hwokuora uye zvigoiswa pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera sokurwadza kwokuzvara mwana kusvikira panguva ino. Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu. Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare? Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira. Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko. Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari. Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga. Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji. Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakaruramisirawo; vaya vaakaruramisira, ndivo vaakakudzawo. Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa? Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye? Ndianiko achapa mhosva avo vakasarudzwa naMwari? Mwari ndiye anoruramisira. Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu, ndiye akafa pamusoro pezvo, ndiye akamutswa akava mupenyu, ari kurudyi rwaMwari, uye anotinyengetererawo. Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose; tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.” Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
VaRoma 8:14-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti vose vanotungamirirwa naMweya waMwari, ndivo vana vaMwari. Nokuti hamuna kupiwa mweya wouranda kuti mutyezve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti, “Aba, baba.” Mweya amene anopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari; zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwechete naKristu; kana tichitambudzika pamwechete naye, tigokudzwawo pamwechete naye. Nokuti ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwechete kusvikira zvino. Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuo, kunyange tine zvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu. Nokuti takaponeswa netariro; asi tariro inoonekwa, haizi tariro; nokuti ndiani anotarira chaanoona? Asi kana tichitarira chatisingaoni, tinochimirira nokutsungirira. Saizvozvo Mweya anobatiranawo nokusava nesimba kwedu; nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi Mweya amene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi; uyo anonzvera mwoyo, ndiye anoziva kufunga kwoMweya, nokuti anonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari. Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobatirana kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga. Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji; avo vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaakadana, ndivo vaakaruramisawo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo. Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko achatirwisa? Iye asina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose pamwechete naye? Ndianiko achakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye anoruramisa. Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu ndiye akafa, zvikuru ndiye akamutswa kuvakafa, ari kurudyi rwaMwari, anotinyengetererawo. Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Takanzi tiri makwai anobayiwa.” Kwete, pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuurisa naiye wakatida. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.
VaRoma 8:14-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vose vanotungamirirwa naMweya waMwari vana vaMwari nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti mupindezve mukutya asi makagamuchira Mweya wokuti muve vana. Ndiye anotigonesa kudaidza tichiti, “Abha, Baba.” Iye Mweya pachake anopupurirana nemweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, tiri vagari venhaka. Tiri vagari venhaka yaMwari uye vagari venhaka pamwe naKristu. Ndokunge tambotambudzikawo pamwechete naye kuti tigozorumbidzwa pamwe naye. Ndinofunga kuti matambudziko enguva ino haangamboenzaniswa nembiri yaticharatidzwa. Zvisikwa zvose zviri kumirira zvichisuwira kwazvo kuratidzwa kwavana vaMwari, nokuti zvisikwa zvakaitwa zvinhu pasina kwete nokuda kwazvo asi nokuda kwaiye akazviita kuti zvidaro asi chitarisiro chiripo. Chikonzero ndechokuti zvisikwa pachazvo zvichasunungurwa muuranda hwokuora zvichiwana rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvanga zvichigomera pamwechete mukurwadziwa kusvikira iye zvino. Hazvisi zvisikwa zvoga asi kana iyesuwo tine zvipo zvokutanga zvaMweya, tinogomera mukati medu, tichimirira kuti titorwe savana kuri iko kununurwa kwemiviri yedu. Nokuti takaponeswa nechitarisiro ichocho. Chinhu chaunotarisira kana chichionekwa zvokutarisira hapana nokuti ndiani angatarisire chinhu chaarikuona. Asi kana tichitarisira chatisiri kuona tinochimirira nomwoyo murefu. Ndizvozvowo naMweya, anotibatsira muutera hwedu nokuti hatizivi kuti tinofanira kunamata sei. Asi Mweya pachake anotinamatira achitura femo rakadzama zvisingatauriki. Iye Mwari anoongorora hana dzavanhu anoziva zviri mupfungwa dzaMweya nokuti iye Mweya anonamatira vakarurama maererano nezvinoda Mwari. Tinozivawo kuti muna zvose, Mwari anoshanda kuti zvinakire vanhu vanomuda, vaya vakadaidzwa maererano nezviri pamwoyo pake nokuti avo vaakafanoziva akafanovarongera kuti vatodzane nechimiro choMwanakomana wake, kuti Mwanakomana iyeyo ave dangwe rehama dzake zhinji. Avo vaakafanoziva akavadaidzawo. Vaakadaidza ivavo akavaruramisa. Navavo vaakaruramisa akavapa mbiri. Ko zvino totiiko nezvakadai izvi. Ko Mwari zvaari kudivi kwedu, ndiani angatirwise iye asina kuramba noMwanakomana wake waakatopirira isu tose. Haazotipawo here zvinhu zvose pamwechete naye. Zvino ndiani angape mhosva vasarudzwi vaMwari, Mwari zvaari iye anoruramisa. Ndiani angatipe mhosva? NdiJesu Kristu here iye akafa akamutswa muvafi ari kurudyi rwaMwari, iye anototireverera? Ndiani angatiparadzanise norudo rwaKristu? Kutambudzika here kana kuti nhamo, kana kushushwa here kana nzara kana kushaya zvokupfeka here kana pfumvu kana hondo yebakatwa here: sokunyorwa kwazvakaitwa, “Tiri kuurairwemi zuva rose, tinoonekwa sehwai dzokubaya?” Aiwa muna zvose izvi tiri vakundi vokutopfuuridza nokuna iye akatida nokuti ndine chokwadi chokuti hapana rufu kana upenyu kana vatumwa kana vano ukuru ukuru kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvichauya kana masimba, kana urefu kana kukwira mudenga kana udziki pasi kana chimwe zvacho muzvisikwa zvose chinogona kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Tenzi wedu.
VaRoma 8:14-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti ʋose ʋanotuŋgamirirwa noMŋeya waMŋari, ndiʋo ʋana ʋaMŋari. Nokuti hamuna‐kupiwa mŋeya woʋuranda kuti mutye ɀe, asi makapiwa mŋeya wokuitwa ʋana, watinoɗana nawo, ticiti: Aba, Ƃaɓa. Mŋeya amene unopupurirana nomŋeya weɗu, kuti tiri ʋana ʋaMŋari; ɀino kana tiri ʋana, tiri ʋadyi ʋenhaka; ʋadyi ʋenhaka yaMŋari, ʋadyi ʋenhaka pamŋe cete naKristu; kana ticitambudzika pamŋe cete naye, tigokudzwa ʋo pamŋe cete naye. Nokuti ndinoti maɗambudziko eŋguʋa ino haana‐kufanira kuenzaniswa nokubginya kucazoratidzwa kwatiri. Nokuti ɀisikwa ɀinotarisisa ɀikuru ɀicimirira kuratidzwa kwaʋanakomana ʋaMŋari. Nokuti ɀisikwa ɀakaiswa pasi peɀisiŋgagari, ɀisiŋgaɗi haɀo, asi nokuɗa kwaiye wakaɀiisa pasi paɀo, ɀicitarira kuti ɀisikwa ɀimene ɀisunuŋgurwe ʋo paʋuranda bgokuʋora, ɀiiswe pakusunuŋgurwa kwokubginya kwaʋana ʋaMŋari. Nokuti tinoziʋa kuti ɀisikwa ɀose ɀinogomera nokurwadziwa pamŋe cete kuȿikira ɀino. Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi nesu ʋo, kunyaŋge tineɀiɓereko ɀokutaŋga ɀoMŋeya, nesu timene tinogomera mukati meɗu, ticimirira kuitwa kweɗu ʋana, ndiko kudzikinurwa kwomuʋiri weɗu. Nokuti takaponeswa netariro; asi tariro inoʋonekwa, haizi tariro; nokuti ndiani unotarira caanoʋona? Asi kana ticitarira catisiŋgaʋoni, tinocimirira nokutsuŋgirira. Saiɀoɀo Mŋeya unoɓatirana ʋo nokusaʋa‐nesimba kweɗu; nokuti hatiziʋi kunyeŋgetera ɀakafanira; asi Mŋeya amene unotinyeŋgeterera nokugomera kusiŋgataurwi; uyo unonɀera mŋoyo, ndiye unoziʋa kufuŋga kwoMŋeya, nokuti unonyeŋgeterera ʋatȿene seɀinoɗa Mŋari. Tinoziʋa kuti ɀinhu ɀose ɀinoɓatirana kuti ɀiitire ɀakanaka aʋo ʋanoɗa Mŋari, aʋo ʋakaɗanwa seɀaakafuŋga. Nokuti ʋaakaziʋa kare, ndiʋo ʋaakatemera ʋo kare, kuti ʋafanane nomufananidzo woMŋanakomana wake, kuti aʋe ɗaŋgwe pakati pehama zhinji; aʋo ʋaakatemera kare, ndiʋo ʋaakaɗana ʋo; ʋaakaɗana, ndiʋo ʋaakaruramisa ʋo; ʋaakaruramisa, ndiʋo ʋaakakudza ʋo. Ɀino ticatiyiko paɀinhu iɀi? Kana Mŋari acitirwira, ndianiko ucatirwisa? Iye usina‐kuramba kunyaŋge noMŋanakomana wake, asi wakamupa cose nokuɗa kweɗu tose, uŋgarega seiko kutipa ʋo ɀose pamŋe cete naye? Ndianiko ucakwirira ʋasanaŋgurwa ʋaMŋari? Mŋari ndiye unoruramisa; ndianiko ucaʋapa mhoȿa? Kristu Jesu ndiye wakafa, ɀikuru ndiye wakamutswa kuʋakafa, uri kurudyi rwaMŋari, unotinyeŋgeterera ʋo. Ndianiko ucatiparadzanisa noruɗo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuʋeŋgwa, kana nzara, kana kushaiwa ɀokufuka, kana njodzi, kana munondo here? Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Nokuɗa kwenyu tinoʋurawa zuʋa rose; Takanzi tiri makwai anoɓayiwa. Kwete, paɀinhu iɀi ɀose tiri ʋakundi nokupfuʋurisa naiye wakatiɗa. Nokuti ndinoziʋa kwaɀo kuti kunyaŋge rufu, kana ʋupenyu, kana ʋatumŋa, kana ʋakuru, kana ɀaɀino, kana ɀinoʋuya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana cinhu cimŋe cakasikwa, haɀiŋgagoni kutiparadzanisa noruɗo rwaMŋari, ruri munaKristu Jesu, Ishe weɗu.
VaRoma 8:14-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)