VaRoma 8:14-18
VaRoma 8:14-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti vose vanotungamirirwa naMweya waMwari, ndivo vana vaMwari. Nokuti hamuna kupiwa mweya wouranda kuti mutyezve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti, “Aba, baba.” Mweya amene anopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari; zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwechete naKristu; kana tichitambudzika pamwechete naye, tigokudzwawo pamwechete naye. Nokuti ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
VaRoma 8:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari. Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, “Abha, Baba.” Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye. Nokuti ndinoti matambudziko atinawo nguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
VaRoma 8:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vose vanotungamirirwa naMweya waMwari vana vaMwari nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti mupindezve mukutya asi makagamuchira Mweya wokuti muve vana. Ndiye anotigonesa kudaidza tichiti, “Abha, Baba.” Iye Mweya pachake anopupurirana nemweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, tiri vagari venhaka. Tiri vagari venhaka yaMwari uye vagari venhaka pamwe naKristu. Ndokunge tambotambudzikawo pamwechete naye kuti tigozorumbidzwa pamwe naye. Ndinofunga kuti matambudziko enguva ino haangamboenzaniswa nembiri yaticharatidzwa.
VaRoma 8:14-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti ʋose ʋanotuŋgamirirwa noMŋeya waMŋari, ndiʋo ʋana ʋaMŋari. Nokuti hamuna‐kupiwa mŋeya woʋuranda kuti mutye ɀe, asi makapiwa mŋeya wokuitwa ʋana, watinoɗana nawo, ticiti: Aba, Ƃaɓa. Mŋeya amene unopupurirana nomŋeya weɗu, kuti tiri ʋana ʋaMŋari; ɀino kana tiri ʋana, tiri ʋadyi ʋenhaka; ʋadyi ʋenhaka yaMŋari, ʋadyi ʋenhaka pamŋe cete naKristu; kana ticitambudzika pamŋe cete naye, tigokudzwa ʋo pamŋe cete naye. Nokuti ndinoti maɗambudziko eŋguʋa ino haana‐kufanira kuenzaniswa nokubginya kucazoratidzwa kwatiri.
VaRoma 8:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)