VaRoma 8:12-15
VaRoma 8:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, hama, tine mungava, asi kwete wenyama, kuti tirarame maererano nezvainoda. Nokuti kana muchirarama maererano nezvinodiwa nenyama, muchafa, asi kana muchirarama noMweya munouraya mabasa akaipa omuviri, uye muchararama, nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari. Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, “Abha, Baba.”
VaRoma 8:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo, hama dzangu, hatina mungava nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama. Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama; nokuti vose vanotungamirirwa naMweya waMwari, ndivo vana vaMwari. Nokuti hamuna kupiwa mweya wouranda kuti mutyezve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti, “Aba, baba.”
VaRoma 8:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo, hama, dzangu hatina chikwereti kunyama kuti tigare upenyu hwenyama nokuti ukagara upenyu hwenyama, uchafa asi kana ukauraya, naMweya, zviito zvomuviri uchararama. Vose vanotungamirirwa naMweya waMwari vana vaMwari nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti mupindezve mukutya asi makagamuchira Mweya wokuti muve vana. Ndiye anotigonesa kudaidza tichiti, “Abha, Baba.”
VaRoma 8:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo, hama dzangu, hatineŋgaʋa nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama. Nokuti kana mucifamba netsika dzenyama, mucafa; asi kana muciʋuraya maɓasa omuʋiri noMŋeya, mucararama; nokuti ʋose ʋanotuŋgamirirwa noMŋeya waMŋari, ndiʋo ʋana ʋaMŋari. Nokuti hamuna‐kupiwa mŋeya woʋuranda kuti mutye ɀe, asi makapiwa mŋeya wokuitwa ʋana, watinoɗana nawo, ticiti: Aba, Ƃaɓa.
VaRoma 8:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)