VaRoma 7:22-23
VaRoma 7:22-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari; asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu.
VaRoma 7:22-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu.
VaRoma 7:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zviripo ndezvokuti, ini mukatikati mangu chaimo, ndinofarira mutemo waMwari. Asi ndinoona kuti mumitezo yangu mune mumwewo mutemo unorwisana nomutemo uri mupfungwa dzangu uchindiita muranda womutemo wakamwoyo kaya kokuda kutadza kanogara mumitezo yangu.
VaRoma 7:22-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndinofarira murairo waMŋari nomunhu womukati; asi ndinoʋona mumŋe murairo pamitezo yaŋgu, unorwa nomurairo womuraŋgariro waŋgu, unonditapira kumurairo weɀiʋi uri pamitezo yaŋgu.
VaRoma 7:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)