VaRoma 7:2-3
VaRoma 7:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Somuenzaniso, mukadzi akawanikwa akasungwa nomurayiro kumurume wake panguva yose iyo murume wake anenge ari mupenyu, asi kana murume wake afa, anosunungurwa kubva pamurayiro wewaniso. Saka zvino, kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, anonzi chifeve. Asi kana murume achinge afa, asunungurwa kubva pamurayiro, uye haazi chifeve, kunyange zvake akawanikwa nomumwe murume.
VaRoma 7:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti mukadzi, anomurume, akasungwa nomurayiro kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, asunungurwa pamurayiro womurume. Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, achanzi chipfeve asi kana murume wake afa, asununguka pamurayiro, zvino haazi chipfeve kunyange akawanikwa nomumwe murume.
VaRoma 7:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo mukadzi akaroorwa unosungwa nomutemo wokuva akabatana nomurume wake panenge murume wake achiri mupenyu. Asi murume wake akafa atosunungurwa pamutemo kune zvomurume wake. Saizvozvo anonzi chifeve chomukadzi kana akagara nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu. Asi murume wake akafa asunungurwa pamutemo iwoyo. Kana akaroorwa nomumwe murume haachisiri chifeve.
VaRoma 7:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti mukadzi, unomurume, wakasuŋgwa nomurairo kumurume wake, iye aciri mupenyu; asi kana murume afa, wasunuŋgurwa pamurairo womurume. Naiɀoɀo ɀino kana akawanikwa nomumŋe murume, murume wake aciri mupenyu, ucanzi cifeʋe asi kana murume wake afa, wasunuŋguka pamurairo, ɀino haazi cifeʋe kunyaŋge akawanikwa nomumŋe murume.
VaRoma 7:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)