VaRoma 7:1-6
VaRoma 7:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hamuzivi here, hama, nokuti ndiri kutaura kuvanhu vanoziva murayiro, kuti murayiro une simba pamusoro pomunhu panguva yose yaanenge ari mupenyu chete? Somuenzaniso, mukadzi akawanikwa akasungwa nomurayiro kumurume wake panguva yose iyo murume wake anenge ari mupenyu, asi kana murume wake afa, anosunungurwa kubva pamurayiro wewaniso. Saka zvino, kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, anonzi chifeve. Asi kana murume achinge afa, asunungurwa kubva pamurayiro, uye haazi chifeve, kunyange zvake akawanikwa nomumwe murume. Saka, hama dzangu, nemiwo makafa kumurayiro kubudikidza nomuviri waKristu, kuti muve vomumwe, kuna iye akamutswa kubva kuvakafa, kuitira kuti tigobereka chibereko kuna Mwari. Nokuti panguva yataitongwa nenyama, kuchiva kwechivi kwakamutswa nomurayiro kwaibata mumiviri yedu, kuti tibereke chibereko chorufu. Asi zvino, nokufa kune izvo zvakanga zvakatisunga, takasunungurwa kubva pamurayiro kuitira kuti tishumire nenzira itsva yoMweya, uye kwete nenzira yakanyorwa yekare.
VaRoma 7:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murayiro), kuti murayiro unobata munhu nguva yose youpenyu hwake? Nokuti mukadzi, anomurume, akasungwa nomurayiro kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, asunungurwa pamurayiro womurume. Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, achanzi chipfeve asi kana murume wake afa, asununguka pamurayiro, zvino haazi chipfeve kunyange akawanikwa nomumwe murume. Saka, hama dzangu nemiwo makaitwa vakafa kumurayiro nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye akamutswa muvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko. Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurayiro, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu. Asi zvino takasunungurwa pamurayiro, takafa kuna izvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.
VaRoma 7:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hamuzivi here hama dzangu, apa ndiri kutaura kuna vavo vanoziva mutemo, kuti mutemo unosunga munhu chete panguva youpenyu hwake? Saizvozvo mukadzi akaroorwa unosungwa nomutemo wokuva akabatana nomurume wake panenge murume wake achiri mupenyu. Asi murume wake akafa atosunungurwa pamutemo kune zvomurume wake. Saizvozvo anonzi chifeve chomukadzi kana akagara nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu. Asi murume wake akafa asunungurwa pamutemo iwoyo. Kana akaroorwa nomumwe murume haachisiri chifeve. Saizvozvowo, hama dzangu, imi pamusana pokuva vamwe nomuviri waJesu, kumutemo muri vanhu vakafa, kuti muve womumwe, iye akamutswa kuvakafa kuti tiberekere Mwari muchero. Chinondidariso ndechokuti paya pataigara upenyu hwenyama, havi dzedu dzoutadzi dzaishanda munhengo dzedu dzichimutswa nomutemo kuti tiberekere rufu muchero. Asi iye zvino takasunungurwa kumutemo. Kune chinhu chiya chakanga chakatibata uranda, tave vanhu vakafa, zvokuti hatichashanda tiri pasi pomutemo wakare wakanyorwa asi muupenyu hutsva hwaMweya.
VaRoma 7:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hamuziʋi here, hama dzaŋgu, (nokuti ndinotaura naʋanhu ʋanoziʋa murairo), kuti murairo unoɓata munhu ŋguʋa yose yoʋupenyu bgake? Nokuti mukadzi, unomurume, wakasuŋgwa nomurairo kumurume wake, iye aciri mupenyu; asi kana murume afa, wasunuŋgurwa pamurairo womurume. Naiɀoɀo ɀino kana akawanikwa nomumŋe murume, murume wake aciri mupenyu, ucanzi cifeʋe asi kana murume wake afa, wasunuŋguka pamurairo, ɀino haazi cifeʋe kunyaŋge akawanikwa nomumŋe murume. Saka, hama dzaŋgu nemi ʋo makaitwa ʋakafa kumurairo nomuʋiri waKristu; kuti muʋe womumŋe, iye wakamutswa paʋakafa, kuti tiɓerekere Mŋari ɀiɓereko. Nokuti paŋguʋa iyo ticiri munyama, kuciʋa kweɀiʋi, kwakamutswa nomurairo, kwakaɓata mumitezo yeɗu kuti kuɓereke ɀiɓereko ɀinoisa kurufu. Asi ɀino takasunuŋgurwa pamurairo, takafa kunaiɀoɀo ɀatakaŋga takasuŋgwa naɀo; naiɀoɀo tinoɓatira Mŋari nomŋeya mutȿa, tisiŋgaɓatiri neɀakanyorwa ɀakare.
VaRoma 7:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)