VaRoma 6:12-18
VaRoma 6:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo musatendera chivi kuti chibate ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwacho. Musapa mitezo yomuviri wenyu kuchivi, kuti ive nhumbi dzokuita zvisakarurama, asi zvipei kuna Mwari, savaya vakabviswa kurufu vachiiswa kuupenyu; uye ipai mitezo yomuviri wenyu kwaari ive nhumbi dzokururama. Nokuti chivi hachichazovi nesimba pamusoro penyu, nokuti hamusi pasi pomurayiro, asi pasi penyasha. Zvino tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose! Hamuzivi here kuti kana mukazvipa kuno mumwe munhu kuti mumuteerere savaranda, muri varanda kuno uyo wamunoteerera, mungava varanda vechivi, chinoendesa kurufu kana vokuteerera, kunoendesa kukururama? Asi Mwari ngaavongwe nokuti, kunyange zvenyu maimbova varanda vechivi, makateerera nomwoyo wenyu wose kurudzi rwedzidziso yamakanga mapiwa. Makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vokururama.
VaRoma 6:12-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo; uye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipe imi kuna Mwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kuna Mwari. Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Zvino tichatiiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurayiro here, asi pasi penyasha? Haisva! Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana wokuteerera kunoisa kukururama? Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoteerera nomwoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi. Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama.
VaRoma 6:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo chitadzo ngachirege kukutongai mumiviri yenyu inofa chichiita kuti muteerere havi dzawo. Musape nhengo dzenyu kuti dzishandiswe kutadza semidziyo yokuita nayo zvakaipa asi zvipei kuna Mwari savanhu vakabviswa murufu vachiendeswa kuupenyu mupe nhengo dzenyu kuna Mwari semidziyo yokushandisa mune zvakarurama. Chitadzo hachizokutongai nokuti hamusi pasi pomutemo asi muri pasi penyasha. Ko zvino topara zvitadzo pamusana pokuti hatisi pasi pomutemo asi pasi penyasha here? Handizvo. Hamuzivi here kuti mukazviisa mumaoko omumwe munhu savaranda vanomuteerera, matova varanda vomunhu iyeyo wamunoteerera? Chingave chitadzo chamunoteerera chinosvitsa kurufu kana kuteerera kunotsvitsa mukururama. Asi tinotenda Mwari kuti, imi makambenge muri varanda vechitadzo, mava kuteerera nemwoyo wose chidzidziso chiri pamwero chamakazvipira kwachiri. Madaro kuzvisunungura kuchitadzo, makave varanda voururami.
VaRoma 6:12-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ɀiʋi ŋgaɀirege kuɓata ʋushe mumuʋiri wenyu unofa, kuti muterere kuciʋa kwawo; ʋuye musapa ɀiʋi mitezo yenyu, kuti dziʋe nhumbi dzokuita ɀisakarurama; asi muɀipei imi kunaMŋari, saʋanhu ʋakararama kuʋakafa, nemitezo yenyu kuti dziʋe nhumbi dzokururama kunaMŋari. Nokuti ɀiʋi haɀiŋgaʋi nesimba pamsoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha. Ɀino ticatiyiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiȿa! Hamuziʋi here, kuti uyo wamunoɀipa kwaari kuti muʋe ʋaranda ʋake kumuterera, kuti muri ʋaranda ʋaiye wamunoterera; kana ʋeɀiʋi ɀinoisa kurufu, kana ʋokuterera kunoisa kukururama? Asi Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, nokuti imi maiʋa ʋaranda ʋeɀiʋi, mukazoterera nomŋoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi. Makasunuŋgurwa paɀiʋi, mukaʋa ʋaranda ʋokururama.
VaRoma 6:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)