VaRoma 6:11-12
VaRoma 6:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nenzira imwe cheteyo, nemiwo munofanira kuziva kuti makafa kuchivi, asi muri vapenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu. Naizvozvo musatendera chivi kuti chibate ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwacho.
VaRoma 6:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saizvozvo nemiwo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kuna Mwari, muna Kristu Jesu. Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo
VaRoma 6:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo imiwo munofanira kuzviona kuti, kuchitadzo muri vanhu vakafa; asi Mwari ari iye upenyu hwenyu muna Kristu Jesu. Naizvozvo chitadzo ngachirege kukutongai mumiviri yenyu inofa chichiita kuti muteerere havi dzawo.
VaRoma 6:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saiɀoɀo nemi ʋo muɀiti makafa kuɀiʋi, asi kuti muri ʋapenyu kunaMŋari, munaKristu Jesu. Naiɀoɀo ɀiʋi ŋgaɀirege kuɓata ʋushe mumuʋiri wenyu unofa, kuti muterere kuciʋa kwawo
VaRoma 6:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)