VaRoma 5:3-8
VaRoma 5:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira, kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro. Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa. Munoona, panguva chaiyo yakafanira, patakanga tisina simba, Kristu akafira vasingadi Mwari. Hazviwanzoitika kuti munhu afire akarurama, kunyange zvazvo munhu angaedza kufira munhu akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira.
VaRoma 5:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifarewo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira; kutsungirira kunouyisa kuedzwa; kuedzwa kunouyisa tariro; tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumwoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa. Nokuti tichiri pakushayiwa simba, Kristu panguva yakafanira akafira vasingadi Mwari. Nokuti zvinorema kuti munhu afire akarurama; nokuti zvimwe mumwe angatsunga kufira akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu akatifira, tichiri vatadzi.
VaRoma 5:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwete izvozvo zvoga asi kuti tinotofara mumatambudziko edu nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunopa munhu kutirira kutirira kunopa munhu chimiro, chimiro chinopa munhu chitarisiro. Chitarisiro hachitinyengedzi nokuti rudo rwaMwari rwakadururwa mumwoyo yedu naMweya Mutsvene watakapiwa. Kristu akatifira panguva kwayo tisina simba isu; ipapo tisiri vanamati vaMwari. Munhu haadi kufira kunyange munhu akarurama. Pamwe munhu angafire zvake munhu akarurama. Asi Mwari akaratidza kuti anotida nokuti Kristu akatifira tichiri vatadzi.
VaRoma 5:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi ŋgatifare ʋo mumaɗambudziko, ticiziʋa kuti kutambudzika kunoʋuyisa kutsuŋgirira; kutsuŋgirira kunoʋuyisa kuidzwa; kuidzwa kunoʋuyisa tariro; tariro hainyadzisi; nokuti ruɗo rwaMŋari rwakaɗirwa mumŋoyo yeɗu noMŋeya Mutȿene watakapiwa. Nokuti ticiri pakushaiwa simba, Kristu paŋguʋa yakafanira wakafira ʋasiŋgaɗi Mŋari. Nokuti ɀinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti ɀimŋe mumŋe uŋgatsuŋga kufira wakanaka. Asi Mŋari unoratidza ruɗo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, ticiri ʋatadzi.
VaRoma 5:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)