VaRoma 3:9-18
VaRoma 3:9-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha neveDzimwe Ndudzi, yokuva pasi pechivi. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe; hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakava vasina maturo; hakuna kana mumwe anoita zvakanaka, kana mumwe zvake.” “Huro dzavo makuva akashama; ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.” “Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.” “Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.” “Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo, Uye nzira yorugare havaizivi.” “Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.”
VaRoma 3:9-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino todiniko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe; Hakuna anonzwisisa, Hakuna anotsvaka Mwari; Vakatsauka vose, vakava vanhu vasina maturo, Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwechete; Huro dzavo bwiro hwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo; Uturu hwenyoka huri mumiromo yavo; Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava; Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo; Nenzira yorugare havana kuiziva Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.”
VaRoma 3:9-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko zvino isu vaJudha tiri nani here ipapa? Kwete, napaduku pose. Inga wani tamboti vanhu vose, vaJudha navaGiriki, vari pasi pesimba rechitadzo. Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “Hakuna akarurama kana mumwechete zvake. Hakuna anonzwisisa hakuna anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose zvavo pamwechete vakashata. Hapana anoita zvakanaka kana nomumwechete zvake. Gurokuro ravo iguva rakashama, vanoshandisa rurimi rwavo kunyengedza. Mukanwa mavo mune uturu hwenyoka. Miromo yavo izere nokutuka nokuvava. Tsoka dzavo dzinomhanyirira kudeura ropa. Mavanopfuura namo munosara ava matongo nejemedzanwa. Mugariro worugare havauzivi. Mwari havambomuona kuti chii.”
VaRoma 3:9-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino toɗiniko? Tinoʋapfuʋura here? Kwete napaɗuku; nokuti tambopa ʋose mhoȿa, ʋaJuda naʋaGiriki, ticiti ʋose ʋakasuŋgwa neɀiʋi; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Hakuna‐wakarurama, kunyaŋge nomumŋe; Hakuna‐unonzwisisa, Hakuna‐unotȿaka Mŋari; Ʋakatsauka ʋose, ʋakaʋa ʋanhu ʋasinamaturo, Hakuna‐unoita ɀakanaka, kunyaŋge nomumŋe cete; Huro dzaʋo bgiro bgakashama; Ʋakanyeŋgera nendimi dzaʋo; Ʋuturu bgenyoka bguri mumiromo yaʋo; Muromo waʋo uzere nokutuka nokuʋaʋa; Tsoka dzaʋo dzinokurumidza kuteʋura ropa; Kuparadza nenhamo ɀiri munzira dzaʋo; Nenzira yorugare haʋana‐kuiziʋa. Kutya Mŋari haku’po pamberi paʋo.
VaRoma 3:9-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)