VaRoma 2:5-8
VaRoma 2:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama. Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.” Kuna avo vakatsungirira kuita zvakanaka vachitsvaka kubwinya nokukudzwa uye nokusafa, achavapa upenyu husingaperi. Asi kuna avo vanotsvaka zvavo uye vanoramba chokwadi uye vachitevera zvakaipa, kuchavapo kutsamwa nehasha.
VaRoma 2:5-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi noukukutu hwako nomwoyo usingadi kutendeuka, unozviunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari; iye achapa mumwe nomumwe paakaita napo, Vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, achavapa upenyu husingaperi. Asi kuna vane nharo, vasingateereri chokwadi, vanoteerera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha
VaRoma 2:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi nokuomarara mwoyo kwako uye nokuva nomwoyo usingadi kupinduka uri kutozozvimutsira hasha pamusi wehasha pacharatidzwa kutonga kwaMwari kwakarurama nokuti achapa, mumwe nomumwe maererano namabasa ake. Achapa upenyu husingaperi kuna vanoita mwoyo murefu mukuita zvakanaka vachitsvaka mbiri norukudzo noupenyu husingaperi. Asi kuna vavo vano mweya wokupanduka vasingateereri chokwadi vanotungamirirwa nouipi; chavo kutsamwirwa nokuitirwa zvehasha.
VaRoma 2:5-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi noʋukukutu bgako, nomŋoyo usiŋgaɗi kutendeʋuka, unoɀiʋuŋganidzira kutsamŋa nezuʋa rokutsamŋa, nokuratidzwa kwokutoŋga kwakarurama kwaMŋari; iye ucapa mumŋe nomumŋe paakaita napo: Ʋanotȿaka kubginya, nokukudzwa, nokusafa, ʋacitsuŋgirira pakuita ɀakanaka, ucaʋapa ʋupenyu bgusiŋgaperi. Asi kunaʋanenharo, ʋasiŋgatereri ɀokwaɗi, ʋanoterera ɀisakarurama, kucaʋa’po kutsamŋa nehasha
VaRoma 2:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)