VaRoma 2:17-24
VaRoma 2:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino iwe, kana uchiti uri muJudha; kana uchivimba nomurayiro uye uchizvirumbidza pamusoro poukama hwako naMwari; kana uchiziva kuda kwake uye uchiziva kuti zvakanaka ndezvipi zvaunodzidziswa nomurayiro; kana uchiti uri mutungamiri wamapofu, chiedza chaavo vari murima, murairidzi wamapenzi, mudzidzisi wavacheche, nokuti zvauine, mumurayiro, mufananidzo woruzivo nechokwadi, zvino iwe, unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisewo here? Iwe unoparidza kuti vanhu vasaba, unoba here? Iwe unoti vanhu havafaniri kuita upombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unoba mutemberi dzavo here? Iwe unozvirumbidza pamusoro pomurayiro, unoshora Mwari nokudarika murayiro here? Nokuti, sezvazvakanyorwa: “Zita raMwari rinomhurwa pakati peveDzimwe Ndudzi nokuda kwenyu.”
VaRoma 2:17-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana iwe unonzi muJudha, unovimba nomurayiro, unozvirumbidza muna Mwari, unoziva kuda kwake, nokutsaura kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurayiro, unozviti iwe uri mutungamiriri wamapofu, nechiedza chavari murima, nomurayiri wamapenzi, nomudzidzisi wavacheche, zvauno mufananidzo wokuziva nowechokwadi pamurayiro; zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti, “Munhu arege kuba,” unobireiko iwe? Iwe unoti munhu arege kuita, “Upombwe,” unoitireiko upombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe temberi dzavo? Iwe unozvirumbidza nomurayiro, unoshoora Mwari nokudarika murayiro neiko? Nokuti, sezvazvakanyorwa, zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu.
VaRoma 2:17-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kana iwe uchizviti uri muJudha uchivimba nomutemo, uchizvikudza noukama hwako naMwari, uchizivawo kuda kwake, uchikwanisa kusarudza chakanaka nokuti unenge wakadzidziswa zvomutemo, uye kana iwe uine chokwadi chokuti unotungamirira mapofu, uri mwenje kuna vari murima; kana uchigona kudzora mapenzi uye uri murairidzi wavana uchiziva kuti mumutemo ndimo muno ruzivo rwose nechokwadi, zvino iwe kana uri munhu anodzidzisa vamwe kudai haukwanisi here kuzvidzidzisa iwe pachako? Kana iwe uchidzidzisa vamwe kusaba ndiwe woba here? Kana iwe uchiti munhu haafaniri kuita upombwe ndiwe woita upombwe here? Iwe unovenga zvifananidzo ndiwe wondopamba zviri mumaTemberi here? Iwe unozvirova dundundu nezviri mumutemo ndiwe wondoshora Mwari nokutyora mutemo here? Ndinodaro nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Zita raMwari rinoshorwa pakati pevechirudzi pamusana penyu.”
VaRoma 2:17-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana iwe unonzi muJuda, unoʋimba nomurairo, unoɀirumbidza munaMŋari, unoziʋa kuɗa kwake, nokutsaura kuti ɀakanaka ndeɀipi, ucidzidziswa nomurairo, unoɀiti iwe uri mutuŋgamiriri wamapofu, neciedza caʋari murima, nomurairi wamapenzi, nomudzidzisi waʋacece, ɀaunomufananidzo wokuziʋa noweɀokwaɗi pamurairo; ɀino iwe unodzidzisa mumŋe, unoregereiko kuɀidzidzisa? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuɓa, unoɓireiko iwe? Iwe unoti munhu arege kuita ʋupombge, unoitireiko ʋupombge iwe? Iwe unosema ɀifananidzo, unoɓireiko iwe tembere dzaʋo? Iwe unoɀirumbidza nomurairo, unoshoʋora Mŋari nokuɗarika murairo neiko? Nokuti, seɀaɀakanyorwa, zita raMŋari rinomhurwa pakati paʋahedeni nokuɗa kwenyu.
VaRoma 2:17-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)