VaRoma 2:12-13
VaRoma 2:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vose vakatadza vasina murayiro vachaparadzwawo vasina murayiro, uye vose vakatadza vano murayiro vachatongwa nomurayiro. Nokuti havasi vaya vanonzwa murayiro vakarurama pamberi paMwari, asi vaya vanoita murayiro ndivo vachanzi vakarurama.
VaRoma 2:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti vose vakatadza vasina murayiro, vachaparadzwawo vasina murayiro; vose vakatadza vanomurayiro, vachatongwa nomurayiro; nokuti vanzwi vomurayiro havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurayiro ndivo vanoruramiswa
VaRoma 2:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vose vakatadza vasina mutemo vachapararawo kunze kwomutemo. Uye vose vakatadzira Mwari vari pasi pomutemo vachatongwawo nomutemo. Chiripo ndechokuti havasi vanhu vanongonzwa mutemo vakarurama pamberi paMwari asi vanoita zvinorehwa nomutemo ndivo vachanzi vakarurama.
VaRoma 2:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ʋose ʋakatadza ʋasinomurairo, ʋacaparadzwa ʋo ʋasinomurairo; ʋose ʋakatadza ʋanomurairo, ʋacatoŋgwa nomurairo; nokuti ʋanzwi ʋomurairo haʋazi iʋo ʋakarurama pamberi paMŋari, asi ʋaiti ʋomurairo ndiʋo ʋanoruramiswa
VaRoma 2:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)